2 Samueri 24
24
Kuverengwa kwakaitwa vanhu naDhavhidhi
(1 Nhor 21:1–27)
1Tenzi akashatirirwa Isiraeri zvakare akaisa muna Dhavhidhi mumwewo mweya wokuti zvivaipire achiti, “Enda uverenge vokwaIsiraeri novokwaJudha.” 2Mambo akataurira Joabhu navatungamiriri wehondo yake, waaiva naye achiti, “Chienda ubvongodze nomumadzinza okwaIsiraeri neokwaJudha kubvira kwaDhani kusvikira kuBheerishebha uchiverenga vanhu ndigoziva kuti kune vanhu vangani.”
3Asi Joabhu akapindura mambo achiti, “Hongu zvazvo dai Tenzi, Mwari wenyu akawedzera vanhu kazana kakazanirana kupfuura zvavari kuri zvino mugotozvionawo nameso enyu imi mambo changamire. Asi nhai mambo changamire, ko, madireiko kuita chinhu chakadai?” 4Zvakataurwa namambo ndizvo zvakatozobudirira pane zvaJoabhu nezvavatungamiriri vehondo. Ipapo Joabhu navatungamiriri vehondo vakabva pana mambo voenda kundoverenga varwi veIsiraeri.
5Vakayambuka Jorodhani vakadzika matendhe avo kuguta reAroero kubvira kuguta riri mukati mebani vakananga kwaGadhi nokuJazeri. 6Vakazosvika kuGireadhi nokunyika yavaHiti kuHodhishi, vakasvikawo kwaDhanijaani. Vakabva muDhanijaani vakapota nokuSidhoni. 7Vakazosvika kuguta retsvingo reTire nokumaguta ose avaHivhi navaKanani. Vakabvamo vakaenda kuNegevhu kwaJudha kuBheerishebha. 8Kuzoti vabvongodza nyika iyi yose vakadzokera zvavo Jerusaremu, izvozvo kwapera mwedzi mipfumbamwe namazuva makumi maviri. 9Joabhu akataurira mambo uwandi hwavanhu hwakadai izvi: KwaIsiraeri kwaiva nezviuru mazana masere zvavarume vano chaivo vokurwa namapakatwa. Varume vokwaJudha vaivawo mazana mashanu ezviuru.
10Asi Dhavhidhi apedza kuverenga vanhu kudaro hana yakamutambudza ndokubva ati kuna Tenzi, “Ndakatadza zvikuru kwazvo nezvandakaita. Zvino ndateterera Tenzi we-e. Ndiregerereiwo chitadzo changu ini muranda wenyu nokuti zvandakaita izvi ndezvoupenzi chaizvo.”
11Kuzoti Dhavhidhi amuka mangwanani acho, izwi raTenzi rakauya kumuporofita Gadhi, muoni wokwaDhavhidhi rikati, 12“Enda uti kuna Dhavhidhi, zvanzi naTenzi sarudza chandingaite kwauri pazvitatu izvi zvandiri kukupa.” 13Nokudaro Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi akamuti, “Mungade here kuti muno munyika yenyu muve namakore manomwe enzara, kana kuti mupedze mwedzi mitatu muchingotiza vavengi venyu vachikurondai, kana kuti muno munyika yenyu murohwe nedenda kwamazuva matatu? Zvino dai mukapafunga mundipewo mhinduro yokundopa andituma.”
14Dhavhidhi akati kuna vaGadhi, “Inga ndazotambura zvino. Regai zvenyu ndisve ndarangwa zvangu naTenzi nokuti ngoni dzake dzakanyanya kwazvo. Asi zvokuti munhu ave iye wokundiranga, aiwa.”
15Saizvozvo Tenzi akarova Isiraeri nedenda kubvira mangwanani kusvikira panguva yakanga yarehwa, kukafa vaIsiraeri zviuru makumi manomwe kubvira kwaDhani kudzamara kundosvika kuBheerishebha. 16Mutumwa waMwari paakanga zvino oda kuti achiparadza Jerusaremu, Tenzi akanyevenuka mwoyo akarega kuwana chakaipa chaakazoita. Akati kumutumwa akanga achiita basa rokuparadza vanhu, “Zvakwana, chirega.” Izvozvo mutumwa waTenzi akanga ava paburiro ravaArauna vechiJebhusi.
17Dhavhidhi paakaona mutumwa uyu akanga achirakatisa vanhu akanamata kuna Tenzi achiti, “Inga ndakatadza ndakaita zvakaipa. Ko hwai idzi dzakapareiwo? Ndateterera dai maranga zvenyu ini nevemba yokwababa vangu.”
18Gadhi akasvika kuna Dhavhidhi musi wakarewo akati kwaari, “Kwirai kuruware rwavaArauna vechiJebhusi muvakire Tenzi atari ipapo.” 19Nokudaro Dhavhidhi akaendako sokutaura kwakanga kwaitwa naGadhi sezvakanga zvanzi naTenzi zviitwe. 20Arauna akati tarisei akaona mambo namakurukota ake vachidimura kuuya kwaari. Arauna akabuda akakotamira mambo akatyora uso. 21Arauna akati, “Mambo changamire mavingeiko kwandiri ini muranda wenyu?” Dhavhidhi akati, “Kuzotenga ruware rwako ndivakepo atari yaTenzi kuti denda rimiswe kuvanhu.”
22Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Mambo changamire torai zvenyu mupire kuna Mwari zvamunoda, nzombe ndidzodzi idzi, dzomupiro wokupisa, majoki emombe nezvirhei ndizvozvi izvi ndozvehuni. 23Mambo, ini Arauna, zvose izvozvi ndozvandapa kwamuri mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Tenzi, Mwari wenyu ngaakugamuchirei.”
24Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere. 25Dhavhidhi akavakira Tenzi atari ipapo akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Naizvozvo Tenzi akagamuchira minamato yakaitirwa nyika, denda rikabva ramiswa muIsiraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 24: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.