1 Madzimambo Zviri mubhuku rino
Zviri mubhuku rino
Bhuku rokutanga raMadzimambo nebhuku rechipiri raMadzimambo anoenderera mberi norungano kana kuti nhoroondo dzoupenyu hwavaIsiraeri namadzimambo avo kubvira panosiirwa nebhuku rechipiri raSamueri. Rokutanga rinonyanya kutaura nezvamambo Soromoni, mwana waDhavhidhi. Rinoratidza upfumi hwake, mbiri nomukurumbira wake nokuvaka kwake kunoshamisa zvikuru kwaakaita Temberi yaMwari asi zvikuru ruzivo noungwaru hwake. Rinoratidza kusangwara kwakazoita Soromoni avakunamata vamwe vamwari vasingazivikanwi pamusana pavakadzi vechirudzi vaakawanza kuroora. Bhuku iri rine zvidimbu zvikuru zviviri. Chokutanga chinotaura nezvenguva yakanga umambo hweIsiraeri husati hwaparadzaniswa. Chechipiri ndechenguva yakanga zvino umambo hwapararaniswa. Vamwe vavakunzi vokwaIsiraeri (madzinza gumi) nevokwaJudha (madzinza maviri chete, rokwaJudha nerokwaBhanjamini). VokwaIsiraeri vakarasa Mwari nokumufuratira, vokwaJudha vakachengetedza zvavo zvaMwari asi vachinamatawo vamwe vamwari. Vaporofita vakatumwa kuzobatsira vanhu panguva iyoyo ndiEriya naMikaya.
Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku rokutanga raMadzimambo
Kuguma kwoumambo hwaDhavhidhi (1:1—2:12)
Kugadzwa umambo kwaSoromoni (2:13–46)
Kutonga kwaSoromoni (3:1—11:43)
a) Makore okutanga (3:1—4:34)
b) Kuvakwa kweTemberi (5:1—8:66)
c) Makore okupedzisira (9:1—11:43)
Umambo hwapararaniswa (12:1—22:53)
a) Kupanduka kwamadzinza gumi (12:1—14:20)
b) Madzimambo okwaJudha (14:21—16:34)
c) Muporofita Eriya (17:1—19:21)
d) Mambo Ahabhu wokwaIsiraeri (20:1—22:40)
e) Mambo Josafati wokwaJudha naAhaziah wokwaIsiraeri (22:41–53)
Zvasarudzwa nguva ino
1 Madzimambo Zviri mubhuku rino: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.