2 Madzimambo 25:1-30
2 Madzimambo 25:1-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo mugore repfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akaenda kundorwisana neJerusarema nehondo yake yose. Akavaka misasa akakomberedza guta uye akavakawo nhare dzakanga dzakarikomberedza. Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe chete raMambo Zedhekia. Pazuva repfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina zvokudya zvavanhu. Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange veBhabhironi vakanga vakakomba guta. Vakatiza vakananga kuArabha, asi hondo yavaBhabhironi yakadzinganisa mambo ikamubatira mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye vakapararira. Akabatwa akaendeswa kuna mambo weBhabhironi paRibhira, kwaakandotongwa. Vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake achizviona. Ipapo vakamutushura meso ake, vakamusunga nezvisungo zvamatare vakamutora vakaenda naye kuBhabhironi. Pazuva rechinomwe romwedzi wechishanu, mugore regumi nepfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavachengeti vamambo, muranda wamambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema. Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Akapisa, dzimba dzose dzaikosha. Hondo yose yeBhabhironi yaiva pasi pomukuru wavarindi vamambo yakaputsa masvingo aipoteredza Jerusarema. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi. Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda. Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, zvigadziko neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi. Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi. Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuhwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha. Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nezvigadziko zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, yakanga yakawanda zvokuti yaisagona kuyerwa. Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namasere. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatu uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo. Mukuru wavarindi akatora Seraya muprista mukuru naZefania muprista aimutevera paukuru navachengeti vomukova vatatu akavaita vasungwa. Pane avo vakanga vasara muguta, akatora mukuru wavarwi navapi vamazano vamambo vashanu. Akatorawo munyori akanga ari mubati mukuru ainyoresa vanhu venyika kuti vave varwi navamwe vanhu vake vaisvika makumi matanhatu vakawanikwa muguta. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhura. Ipapo paRibhura munyika yeHamati, mambo akarayira kuti vaurayiwe. Saka Judha yakaenda kuutapwa, kure nenyika yayo. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akagadza Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti atonge vanhu vaakanga asiya muJudha. Vakuru vose vehondo navanhu vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedharia kuti ave mutongi, vakauya kuna Gedharia paMizipa, Ishumaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, navanhu vavo. Gedharia akaita mhiko kuti avasimbise, ivo navanhu vavo. Akati kwavari, “Musatya vabati vomuBhabhironi. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi zvigokunakirai.” Kunyange zvakadaro, mumwedzi wechinomwe Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, akanga ari weropa roushe, akauya navarume gumi akauraya Gedharia navarume veJudha neveBhabhironi vaiva naye paMizipa. Zvadai, vanhu vose kubva kuvadiki kusvika kuvakuru navakuru vehondo pamwe chete vakatizira kuIjipiti, vachitya vaBhabhironi. Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakatanga Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi kutonga, akasunungura Jehoyakini kubva muusungwa pazuva ramakumi manomwe romwedzi wegumi nemiviri. Akataura zvakanaka kwaari akamupa chigaro chokukudzwa chakapfuura chamamwe madzimambo akanga anaye muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa uye akadya patafura yamambo nguva nenguva pamazuva ose oupenyu hwake. Zuva nezuva mambo akapa Jehoyakini mugove wezuva rimwe nerimwe mazuva ose oupenyu hwake.
2 Madzimambo 25:1-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare. Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia. Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya. Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje. Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari. Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo. Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi. Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu; akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto. Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji. Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemidzambiringa nemimwe minda. VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi. Vakatorawo hari nefoshoro, nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo. Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora. Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvingori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa. Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba kwomusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo. Mukuru wavarindi akatora Saraya mupristi mukuru, naZefaniya mupristi wechipiri, navarindi vatatu vomukova; uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira. Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo. Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo. Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, “Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.” Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa. Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Ijipiti, nokuti vakanga vachitya vaKaradhea. Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Eviri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo; akataura naye nomwoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi. Akashandura nguo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake. Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.
2 Madzimambo 25:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mumwedzi wegumi pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhineza mambo weBhabhuroni akauya nehondo yake yose akakomba Jerusaremu vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho. Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho nzara yakabaya zvinorwadza muguta zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. Kwakapazwa rusvingo muguta umu hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebindu ramambo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha. Asi hondo yevaKaridhea yakaronda mambo ikamubatira kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakapararira ichimusiya, ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura akamutemera chirango chemhosva yake. Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Vakamusvukunura maziso vakamusunga nengetani vakaenda naye kuBhabhironi. Mumwedzi wechishanu pazuva rechinomwe romwedzi iwoyo riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, gurukota ramambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu. Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa. Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo yakakoromorera pasi tsvingo dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa. Mukuru mukuru wevaichengetedza mambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera chaivo kuti vave vachengeti veminda yemigirepisi navarimi veminda. VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi namagwati okugokesa moto nendiro. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, akatakura, zvendarama sendarama, zvesirivha sesirivhawo. Kana zviri zvemisimboti iye miviri nengoro dziya zvakanga zvagadzirirwa imba yaTenzi, ndarira yacho hakuzi kurema ikoko kwayaiita. Musimboti mumwechete waiva mamita masere kureba uine chepamusoro pawo chaiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu kureba chakashongedzwa nekasefa kane zvinenge michero yamapomegiraneti zvose zviri zvendarama zvakatenderedza mbiru. Musimboti wechipiri wacho wakanga wakangoitawo zvimwechetezvo uine kasefa ikaka. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo iyeyo akatapa mupristi mukuru Seraya nomutevedzeri wake Zefaniya navachengetedzi vatatu vokumusuo. Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo. Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo. Kune vokwaJudha vakasara vasiyiwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani akasarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuva mutongi. Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka. Gedhariya akatsidzira ivo navarwi vavo kuti, “Musatye zvenyu vakuru vakuru vechiKaridhea ava. Chenyu imi kugara munyika muno muchishandira zvenyu mambo weBhabhironi zvichakunakirai.” Asi mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama wokumba huru akauya negumi ravarume vakauraya Gedhariya navaJudha navaKaridhea vaakanga anavo muMizipa. Ipapo vanhu vose vakuru navadiki navakuru vakuru vezvikwata zvehondo vakasimuka vakaenda kuIjipiti nokuti vaitya vaKaridhea. Mugore ramakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha mumwedzi wegumi nechipiri pazuva remakumi maviri nechinomwe romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi mugore raakatangisa kutonga akaita mwoyochena wokuburitsa Jehoyakini mujeri. Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chapamusoro kupinda madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose. Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa, aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose, mugove pazuva, upenyu hwake hwose.
2 Madzimambo 25:1-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino negore repfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi romŋedzi, Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusarema, ʋakadzika matente aʋo’po, ʋakarikomba nenhare. Naiɀoɀo guta rakakombga kuȿikira pagore regumi nerimŋe ramambo Zedekia. Ɀino negore repfumbamŋe romŋedzi wecinna nzara ikanyanya kwaɀo paguta, ʋanhu ʋenyika iyo ʋakashaiwa ɀokudya. Ʋakaputsa ruȿiŋgo rweguta, ʋanhu ʋose ʋehondo ʋakatiza ʋusiku nenzira yesuʋo, pakati pamadziro maʋiri aiʋa pamunda wamambo; (ɀino ʋaKardea ʋakaŋga ʋakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje. Asi hondo yaʋaKardea yakateʋera mambo, ʋakamuɓata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari. Ɀino ʋakaɓata mambo, ʋakaenda naye kunamambo weBabironi paRibra, ʋakamutoŋgera’po. Ʋakaʋuraya ʋana ʋaZedekia aciɀiʋona, ʋakatumbura meso aZedekia, ʋakamusuŋga namatare, ʋakamuisa Babironi. Ɀino nomŋedzi wecishanu, nezuʋa ricinomŋe romŋedzi, negore regumi namapfumbamŋe ramambo Nebukadnezari mambo weBabironi, Nebuzaradani mukuru waʋarindi, muranda wamambo weBabironi akaȿika Jerusarema; akapisa imba yaJehova, neimba yamambo; akapisa ʋo dzimba dzose dzeJerusarema, dzimba dzose huru, nomŋoto. Hondo yose yaʋaKardea, yakaŋga inomukuru waʋarindi, ikaputsa maȿiŋgo eJerusarema kunhiʋi dzose. Nebuzaradani mukuru waʋarindi, akatapa ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋakaŋga ʋatiza, ʋakaenda kunamambo weBabironi, naʋakaŋga ʋasara kuʋazhinji. Asi mukuru waʋarindi wakasiya ʋarombo ʋenyika, kuti ʋaʋe ʋarimi ʋeminda yemizambiriŋga nemimŋe minda. ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzaiʋa mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀaiʋa mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo Babironi. Ʋakatora ʋo hari nefoshoro, nembato dzemŋenje, neɀiroŋgo, nenhumbi dzose dzendarira dzaʋaiɓata nadzo. neɀaeŋga ɀomŋoto, nembiya, neɀose ɀaiʋa ɀendarama neɀose ɀaiʋa ɀesirveri, mukuru waʋarindi akaɀitora. Nembiru mbiri, nedziʋa rimŋe, neɀiŋgoro, ɀakaŋga ɀaitirwa imba yaJehova naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakaŋga kusiŋgagoni kuyerwa. Kureɓa kwembiru imŋe kwakaȿika makubiti anegumi namasere, yaiʋa nomusoro wendarira pamsoro payo; kureɓa kwomusoro kwakaȿika makubiti matatu; ʋuye kwakaŋga kuneɀakarukwa, namatamba, ɀaipoteredza musoro, ɀose ɀiri ɀendarira; mbiru yecipiri yakaŋga yakafanana neyiyi neɀakarukwa ʋo. Mukuru waʋarindi akatora Saraya muprista mukuru, naZefania muprista wecipiri, naʋarindi ʋatatu ʋomukoʋa; ʋuye paguta akatora mukuru waitarira ʋarume ʋehondo, naʋarume ʋashanu ʋaisiʋonana namambo, ʋaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiʋuŋganidza ʋanhu ʋenyika, naʋarume ʋanamakumi matanhatu ʋaʋanhu ʋenyika, ʋaakawana muguta. Nebuzaradani mukuru waʋarindi akaʋatora, akaʋaisa kunamambo weBabironi paRibra. Mambo weBabironi akaʋaɓaya, akaʋaʋuraya paRibra, panyika yeHamati. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakatapxa panyika yaʋo. Kana ʋari ʋanhu ʋakasiyiwa panyika yaJuda, ʋakasiyiwa naNebukadnezari mambo weBabironi, wakaita Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, muɓati waʋo. Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋanzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga aita Gedari muɓati waʋo, ʋakaenda kunaGedaria paMizpa, ʋaiti: Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani mŋanakomana waKarea, naSeraya mŋanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mŋanakomana womuMaakati, iʋo naʋanhu ʋaʋo. Gedaria akapika kwaʋari, iʋo naʋanhu ʋaʋo, akati kwaʋari: Regai kutya nokuɗa kwaʋaranda ʋaʋaKardea; garai panyika, mushumire mambo weBabironi, mugofara henyu. Asi nomŋedzi wecinomŋe Ishmaeri mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakaȿika anaʋarume ʋanegumi, akaɓaya Gedaria, akafa iye pamŋe cete naʋaJuda naʋaKardea ʋaiʋa naye paMizpa. Ipapo ʋanhu ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋakuru ʋehondo ʋakasimuka ʋakaenda Egipita, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaKardea. Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoyakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namanomŋe romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi, negore raakataŋga kuɓata ʋushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJuda, akamubvisa mutoroŋgo; akataura naye nomŋoyo munyoro, akakudza cigaro cake coʋushe kupfuʋura ɀigaro ɀoʋushe ɀamadzimambo aiʋa naye paBabironi. Akashandura ŋguʋo dzake dzokusuŋgwa, akaramba acidya ɀokudya pamberi pake mazuʋa ose oʋupenyu bgake. Kana ɀiri ɀokurarama naɀo, waisipiwa ɀokurarama naɀo namambo ŋguʋa dzose, zuʋa rimŋe nerimŋe mugoʋe waro, mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
2 Madzimambo 25:1-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)