II Madzimambo 25
25
Nebukadnezari unotapa ʋanhu ʋaJuda.
1Ɀino negore repfumbamŋe rokuɓata kwake ʋushe, nomŋedzi wegumi, nezuʋa regumi romŋedzi, Nebukadnezari mambo weBabironi akaȿika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusarema, ʋakadzika matente aʋo’po, ʋakarikomba nenhare. 2Naiɀoɀo guta rakakombga kuȿikira pagore regumi nerimŋe ramambo Zedekia. 3Ɀino negore repfumbamŋe romŋedzi wecinna nzara ikanyanya kwaɀo paguta, ʋanhu ʋenyika iyo ʋakashaiwa ɀokudya. 4Ʋakaputsa ruȿiŋgo rweguta, ʋanhu ʋose ʋehondo ʋakatiza ʋusiku nenzira yesuʋo, pakati pamadziro maʋiri aiʋa pamunda wamambo; (ɀino ʋaKardea ʋakaŋga ʋakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje. 5Asi hondo yaʋaKardea yakateʋera mambo, ʋakamuɓata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari. 6Ɀino ʋakaɓata mambo, ʋakaenda naye kunamambo weBabironi paRibra, ʋakamutoŋgera’po. 7Ʋakaʋuraya ʋana ʋaZedekia aciɀiʋona, ʋakatumbura meso aZedekia, ʋakamusuŋga namatare, ʋakamuisa Babironi.
8Ɀino nomŋedzi wecishanu, nezuʋa ricinomŋe romŋedzi, negore regumi namapfumbamŋe ramambo Nebukadnezari mambo weBabironi, Nebuzaradani mukuru waʋarindi, muranda wamambo weBabironi akaȿika Jerusarema; 9akapisa imba yaJehova, neimba yamambo; akapisa ʋo dzimba dzose dzeJerusarema, dzimba dzose huru, nomŋoto. 10Hondo yose yaʋaKardea, yakaŋga inomukuru waʋarindi, ikaputsa maȿiŋgo eJerusarema kunhiʋi dzose. 11Nebuzaradani mukuru waʋarindi, akatapa ʋanhu ʋakaŋga ʋasara muguta, naʋakaŋga ʋatiza, ʋakaenda kunamambo weBabironi, naʋakaŋga ʋasara kuʋazhinji. 12Asi mukuru waʋarindi wakasiya ʋarombo ʋenyika, kuti ʋaʋe ʋarimi ʋeminda yemizambiriŋga nemimŋe minda. 13ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzaiʋa mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀaiʋa mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo Babironi. 14Ʋakatora ʋo hari nefoshoro, nembato dzemŋenje, neɀiroŋgo, nenhumbi dzose dzendarira dzaʋaiɓata nadzo. 15neɀaeŋga ɀomŋoto, nembiya, neɀose ɀaiʋa ɀendarama neɀose ɀaiʋa ɀesirveri, mukuru waʋarindi akaɀitora. 16Nembiru mbiri, nedziʋa rimŋe, neɀiŋgoro, ɀakaŋga ɀaitirwa imba yaJehova naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakaŋga kusiŋgagoni kuyerwa. 17Kureɓa kwembiru imŋe kwakaȿika makubiti#25:17 Kubiti rimŋe kubva pagokora kuȿikira paminwe. anegumi namasere, yaiʋa nomusoro wendarira pamsoro payo; kureɓa kwomusoro kwakaȿika makubiti matatu; ʋuye kwakaŋga kuneɀakarukwa, namatamba, ɀaipoteredza musoro, ɀose ɀiri ɀendarira; mbiru yecipiri yakaŋga yakafanana neyiyi neɀakarukwa ʋo. 18Mukuru waʋarindi akatora Saraya muprista mukuru, naZefania muprista wecipiri, naʋarindi ʋatatu ʋomukoʋa; 19ʋuye paguta akatora mukuru waitarira ʋarume ʋehondo, naʋarume ʋashanu ʋaisiʋonana namambo, ʋaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiʋuŋganidza ʋanhu ʋenyika, naʋarume ʋanamakumi matanhatu ʋaʋanhu ʋenyika, ʋaakawana muguta. 20Nebuzaradani mukuru waʋarindi akaʋatora, akaʋaisa kunamambo weBabironi paRibra. 21Mambo weBabironi akaʋaɓaya, akaʋaʋuraya paRibra, panyika yeHamati. Naiɀoɀo ʋaJuda ʋakatapxa panyika yaʋo. 22Kana ʋari ʋanhu ʋakasiyiwa panyika yaJuda, ʋakasiyiwa naNebukadnezari mambo weBabironi, wakaita Gedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, muɓati waʋo.
23Ɀino ʋakuru ʋose ʋehondo, iʋo naʋanhu ʋaʋo, ʋakati ʋanzwa kuti mambo weBabironi wakaŋga aita Gedari muɓati waʋo, ʋakaenda kunaGedaria paMizpa, ʋaiti: Ishmaeri mŋanakomana waNetania, naJohanani mŋanakomana waKarea, naSeraya mŋanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mŋanakomana womuMaakati, iʋo naʋanhu ʋaʋo. 24Gedaria akapika kwaʋari, iʋo naʋanhu ʋaʋo, akati kwaʋari: Regai kutya nokuɗa kwaʋaranda ʋaʋaKardea; garai panyika, mushumire mambo weBabironi, mugofara henyu. 25Asi nomŋedzi wecinomŋe Ishmaeri mŋanakomana waNetania, mŋanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakaȿika anaʋarume ʋanegumi, akaɓaya Gedaria, akafa iye pamŋe cete naʋaJuda naʋaKardea ʋaiʋa naye paMizpa. 26Ipapo ʋanhu ʋose, ʋaɗuku naʋakuru, naʋakuru ʋehondo ʋakasimuka ʋakaenda Egipita, nokuti ʋakaŋga ʋacitya ʋaKardea.
27Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoyakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namanomŋe romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi, negore raakataŋga kuɓata ʋushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJuda, akamubvisa mutoroŋgo; 28akataura naye nomŋoyo munyoro, akakudza cigaro cake coʋushe kupfuʋura ɀigaro ɀoʋushe ɀamadzimambo aiʋa naye paBabironi. 29Akashandura ŋguʋo dzake dzokusuŋgwa, akaramba acidya ɀokudya pamberi pake mazuʋa ose oʋupenyu bgake. 30Kana ɀiri ɀokurarama naɀo, waisipiwa ɀokurarama naɀo namambo ŋguʋa dzose, zuʋa rimŋe nerimŋe mugoʋe waro, mazuʋa ose oʋupenyu bgake.
Zvasarudzwa nguva ino
II Madzimambo 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018