Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Makoronike 1

1
Madziɓaɓa kubʋa kunaAdama kuȿikira kunaNoa naʋana ʋake.
1Adama, naSeti, naEnoshi; 2naKenani, naMaharareri, naJaredi; 3naEnoki, naMetusera, naRameki; 4naNoa, naShemi, naHami, naJafeti.
5Ʋanakomana ʋaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadai, naJavani, naTubari, naMesheki, naTirasi. 6Ʋanakomana ʋaGomeri: Ashkenazi, naDifati, naTogarma. 7Ʋanakomana ʋaJavani: Erisha, naTarshishi, naKitimi, naRodanimi.
8Ʋanakomana ʋaHami: Kushi, naMizraimi, naPuti, naKanaani. 9Ʋanakomana ʋaKushi: Seba, naHavira, naSabta, naRaama, naSabteka. Ʋanakomana ʋaRaama: Sheba, naDedani. 10Kushi akaɓereka Nimrodi; iye akataŋga kuʋa munhu unesimba panyika. 11Mizraimi akaɓereka Rudimi, naAnamimi, naRehabimi, naNaftuhimi, 12naPatrusimi, naKasruhimi (ƲaFiristia ʋakabva kwaari), naKaftorimi. 13Kanaani akaɓereka Zidoni mŋana wake weɗaŋgwe, naHeti, 14naʋaJebusi, naʋaAmori, naʋaGirgashi; 15naʋaHivi, naʋaArki, naʋaSini, 16naʋaArvadi, naʋaZemari, naʋaHamati.
17Ʋanakomana ʋaShemi: Erami, naAshuri, naArpakshadi, naRudi, naArami, naUzi, naHuri, naGeteri, naMesheki. 18Arpakshadi akaɓereka Shera, Shera akaɓereka Eberi. 19Eberi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, zita romumŋe raiʋa Peregi, nokuti pamazuʋa ake nyika yakaganhurwa; zita romunuŋuna wake raiʋa Joktani. 20Joktani akaɓereka Armodadi, naSherefi, naHazarmaveti, naJera, 21naHadorami, naUzari, naDikra, 22naEbari, naAbimaeri, naSheba, 23naOfiri, naHavira, naJobabi. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJoktani.
Madziɓaɓa kubʋa kunaShemi kuȿikira kunaAbrahama naʋana ʋake.
24Shemi, naArpakshadi, naShera, 25naEberi, naPeregi, naReu, 26naSerugi, naNahori, naTera, 27Abrama (ndiye Abrahama). 28Ʋanakomana ʋaAbrahama: Isaka, naIshmaeri.
29Ndiwo marudzi aʋo: Mŋana weɗaŋgwe waIshmaeri, Nebaioti, teʋere Kedari, naAbdeeri, naMibsami, 30naMishma, naDuma, naMasa; naHadadi, naTema, 31naJeturi, naNafishi, naKedema. Ndiʋo ʋanakomana ʋaIshmaeri.
32Ʋanakomana ʋaKetura, muroŋgo waAbrahama: Iye wakaɓereka Zimrani, naJokshani, naMedani, naMidiani, naIshbaki, naShua. Ʋanakomana ʋaJokshani: Sheba, naDedani. 33Ʋanakomana ʋaMidiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbida, naErda. Aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaKetura.
34Abrahama wakaɓereka Isaka. Ʋanakomana ʋaIsaka: Esau, naIsraeri.
35Ʋanakomana ʋaEsau: Erifazi, naReueri, naJeushi, naJarami, naKora. 36Ʋanakomana ʋaErifazi: Temani, naOmari, naZefi, naGatami, naKenazi, naTimna, naAmareki. 37Ʋanakomana ʋaReueri: Nahati, naZera, naShama, naMiza. 38Ʋanakomana ʋaSeiri: Rotani, naShobari, naZibeoni, naAna, naDishani. 39Ʋanakomana ʋaRotani: Hori, naHomami; Timna waiʋa hanɀadzi yaRotani. 40Ʋanakomana ʋaShobari: Ariani naManahati, naEbari, naShefi naOnami. Ʋanakomana ʋaZibeoni: Aia naAna. 41Ʋanakomana ʋaAna: Dishoni. Ʋanakomana ʋaDishoni: Hamrani naEshbani naItrani naKerani. 42Ʋanakomana ʋaEzeri: Birhani naZaavani, naJaakani. Ʋanakomana ʋaDishani: Uzi naArani. 43Ɀino ndiwo madzimambo akaɓata ʋushe panyika yaEdomi, ʋaIsraeri ʋacigere kuʋa namambo: Bera mŋanakomana waBeori; zita reguta rake raiʋa Dinhaba. 44Bera akafa, Jobabi mŋanakomana waZera weBozra akamuteʋera paʋushe. 45Jobabi akafa, Hushami wenyika yaʋaTemani akamuteʋera paʋushe. 46Hushami akafa, Hadadi mŋanakomana waBedadi, wakaɗeya kuʋuraya Midiani pamunda waMoabi, akamuteʋera paʋushe; zita reguta rake raiʋa Aviti. 47Hadadi akafa, Samra weMasreka akamuteʋera paʋushe. 48Samra akafa, Shauri weRehoboti paRwizi akamuteʋera paʋushe. 49Shauri akafa, Baari‐hanani mŋanakomana waAkbori akamuteʋera paʋushe. 50Baari‐hanani akafa, Hadadi akamuteʋera paʋushe; zita reguta rake raiʋa Pai; ʋuye zita romukadzi wake raiʋa Mehetaberi, mukunda waMatredi, mukunda waMezahabi. 51Hadadi akafa. Madzishe aEdomi ndiwo: Ishe Timna, nashe Aria, nashe Jeteti, 52nashe Ohoribama, nashe Era, nashePinoni, 53nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibzari, 54nashe Magdieri, nashe Irami. Ndiwo madzishe aEdomi.

Zvasarudzwa nguva ino

I Makoronike 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda