Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 25

25
Nebhukadhinezari anotapa vanhu vaJudha
1Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
2Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia. 3Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya. 4Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje. 5Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari. 6Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo.
7Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi.
8Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu; 9akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto. 10Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose. 11Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji. 12Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemidzambiringa nemimwe minda.
13VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
14Vakatorawo hari nefoshoro, nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo. 15Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora. 16Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvingori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa. 17Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba kwomusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo.
18Mukuru wavarindi akatora Saraya mupristi mukuru, naZefaniya mupristi wechipiri, navarindi vatatu vomukova; 19uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vana makumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta. 20Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira. 21Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
22Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo.
23Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo. 24Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, “Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu.”
25Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa. 26Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Ijipiti, nokuti vakanga vachitya vaKaradhea.
27Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Eviri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo; 28akataura naye nomwoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi. 29Akashandura nguo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake. 30Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Madzimambo 25: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda