1 Makoronike 1
1
Madzibaba kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Noa navana vake
1Adhamu, naSeti, naEnoshi; 2naKenani, naMaharareri, naJaredhi; 3naEnoki, naMetusera, naRameki; 4naNoa, naShemi, naHamu, naJafeti.
5Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMesheki, naTirasi. 6Vanakomana vaGomeri: Ashikenazi, naDhifati, naTogarima. 7Vanakomana vaJavhani: Erisha, naTarishishi, naKitimi, naRodhanimi.
8Vanakomana vaHamu: Kushi, naMiziraimu, naPuti, naKenani. 9Vanakomana vaKushi: Shebha, naHavhira, naSabata, naRaama, naSabhiteka. Vanakomana vaRaama: Shebha, naDhedhani.
10Kushi akabereka Nimurodhi; iye akatanga kuva munhu ane simba panyika. 11Mizirami akabereka Rudhimi, naAnamimi, naRehabhimi, naNafutuhimi, 12naPatirusimi, naKasiruhimi (VaFirisitia vakabva kwaari), naKafitorimi.
13Kenani akabereka Zidhoni mwana wake wedangwe, naHeti, 14navaJebhusi, navaAmori, navaGirigashi; 15navaHivhi, navaAriki, navaSini, 16navaArivhadhi, navaZemari, navaHamati.
17Vanakomana vaShemi: Erami, naAshuri, naAripakishadhi, naRudhi, naArami, naUzi, naHuri, naGeteri, naMesheki. 18Aripakishadhi akabereka Shera, Shera akabereka Ebheri. 19Ebheri akaberekerwa vanakomana vaviri, zita romumwe raiva Peregi, nokuti pamazuva ake nyika yakakamurwa; zita romunun'una wake raiva Jokitani. 20Jokitani akabereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJere, 21naHadhorami, naUzari, naDhikira, 22naEbhari, naAbhimaeri, naShebha, 23naOfiri, naHavhira, naJobhabhu. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.
Madzibaba kubva kuna Shemi kusvikira kuna Abhurahamu navana vake
24Shemi, naAripakishadhi, naShera, 25naEbheri, naPeregi, naReu, 26naSerugi, naNahori, naTera, 27Abhuramu (ndiye Abhurahamu). 28Vanakomana vaAbhurahamu: Isaka, naIshimaeri.
29Ndiwo marudzi avo: Mwana wedangwe waIshimaeri, Neabhaioti, tevere Kedhari, naAbhidheeri, naMibhisami, 30naMishima, naDhuma, naMasa; naHadhadhi, naTema, 31naJeturi, naNafishi, naKedhema. Ndivo vanakomana vaIshimaeri.
32Vanakomana vaKetura, murongo waAbhurahamu: Iye wakabereka Zimirani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Vanakomana vaJokishani: Shebha, naDhedhani. 33Vanakomana vaMidhiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridha. Ava vose vaiva vanakomana vaKetura.
34Abhurahamu akabereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau, naIsiraeri.
35Vanakomana vaEsau: Erifazi, naReueri, naJeushi, naJarami, naKora.
36Vanakomana vaErifazi: Temani, naOmari, naZefi, naGatami, naKenazi, naTimina, naAmareki. 37Vanakomana vaReueri: Nahati, naZera, naShama, naMiza.
38Vanakomana vaSheiri: Rotani, naShobhari, naZibheoni, naAna, naDhishani. 39Vanakomana vaRotani: Hori, naHomami; Timina waiva hanzvadzi yaRotani. 40Vanakomana vaShobhari: Ariani naManahati, naEbhari, naShefi naOnami. Vanakomana vaZibheoni: Aia naAna. 41Vanakomana vaAna: Dishoni. Vanakomana vaDhishoni: Hamurani naEshibhani naItirani naKerani.
42Vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavani, naJaakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.
43Zvino ndiwo madzimambo akabata hushe panyika yaEdhomu, vaIsiraeri vachigere kuva namambo, Bhera mwanakomana waBheori; zita reguta rake raiva Dhinabha.
44Bhera akafa, Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira akamutevera pahushe.
45Jobhabhu akafa, Hushani wenyika yavaTemani akamutevera pahushe.
46Hushani akafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakadeya kuuraya Midhiani pamunda waMoabhi, akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Avhiti. 47Hadhadhi akafa, Samira weMasireka akamutevera pahushe. 48Shamira akafa, Shauri weRehobhoti paRwizi akamutevera pahushe. 49Shauri akafa, Bhaarihanani mwanakomana waAkibhori akamutevera pahushe. 50Bhaarihanani akafa, Hadhadhi akamutevera pahushe; zita reguta rake raiva Pai; uye zita romukadzi wake raiva Mehetabheri, mukunda waMatiredhi, mukunda waMezahabhi.
51Hadhadhi akafa. Madzishe eEdhomu ndiwo: Ishe Timina, nashe Aria, nashe Jeteti, 52nashe Ohoribhama, nashe Era, nashe Phinoni, 53nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibhazari, 54nashe Magidhieri, nashe Irami. Ndiwo madzishe aEdhomu.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Makoronike 1: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002