2 Madzimambo 25
25
Kuparara kweJerusaremu
(2 Nhor 36:13–21; Jer 52:3b–11)
1Mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekiya mumwedzi wegumi pazuva regumi romwedzi iwoyo, Nebhukadhineza mambo weBhabhuroni akauya nehondo yake yose akakomba Jerusaremu vakatutira mavhu kurusvingo kuritenderedza kuita chokupindamo nacho. 2Nokudaro guta rakakombwa kusvikira mugore regumi nechiposhi rokutonga kwamambo Zedhekiya. 3Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina wacho nzara yakabaya zvinorwadza muguta zvokuti vanhu vomunyika imomo vakanga vasisina chokudya. 4Kwakapazwa rusvingo muguta umu hondo yose yavarwi ikasvova nousiku nokunzira yokusuo guru pakati petsvingo mbiri pedyo nebindu ramambo vaKaridhea vakarikomba kudaro. Vakananga nokuArabha. 5Asi hondo yevaKaridhea yakaronda mambo ikamubatira kumapani okuJeriko. Hondo yake yose yakapararira ichimusiya, 6ivo vakabata mambo vakauya naye kuna mambo weBhabhironi kuRibhura akamutemera chirango chemhosva yake. 7Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye akatarisa. Vakamusvukunura maziso vakamusunga nengetani vakaenda naye kuBhabhironi.
Kuparadzwa kweTemberi
(Jer 52:12–33)
8Mumwedzi wechishanu pazuva rechinomwe romwedzi iwoyo riri gore regumi nechipfumbamwe rokutonga kwamambo Nebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, gurukota ramambo weBhabhironi akauya kuJerusaremu. 9Akapisa imba yaTenzi nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusaremu nedzimba dzakanga dzakati kurei dzose akadzipisa. 10Hondo yose yevaKaridhea yakanga ino mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo yakakoromorera pasi tsvingo dzakanga dzakapoteredza Jerusaremu. 11Vamwe vanhu vose vakanga vasara mugutamo navakanga vapandukira kuna mambo weBhabhironi pamwechete navamwe vose voruzhinji vakanga vasara, Nebhuzaradhani akaenda navo muutapwa. 12Mukuru mukuru wevaichengetedza mambo akasiyawo vamwe varombowo zvavo vokupedzesera chaivo kuti vave vachengeti veminda yemigirepisi navarimi veminda. 13VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva pamba paTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi. 14Vakatakura mapoto namafoshoro nezvigero nembenge dzorusenzi nemidziyo yose yendarira yokushandisa muTemberi 15namagwati okugokesa moto nendiro. Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo, akatakura, zvendarama sendarama, zvesirivha sesirivhawo. 16Kana zviri zvemisimboti iye miviri nengoro dziya zvakanga zvagadzirirwa imba yaTenzi, ndarira yacho hakuzi kurema ikoko kwayaiita. 17Musimboti mumwechete waiva mamita masere kureba uine chepamusoro pawo chaiita mita rimwechete namasendimita makumi matatu kureba chakashongedzwa nekasefa kane zvinenge michero yamapomegiraneti zvose zviri zvendarama zvakatenderedza mbiru. Musimboti wechipiri wacho wakanga wakangoitawo zvimwechetezvo uine kasefa ikaka.
Kutapwa kwakaitwa vokwaJudha kuendeswa kuBhabhironi
(Jer 52:24–27)
18Mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo iyeyo akatapa mupristi mukuru Seraya nomutevedzeri wake Zefaniya navachengetedzi vatatu vokumusuo. 19Maguta, akatapa mumwe mukuru mukuru aimbenge ari mutungamiriri wavarwi kuhondo namachinda amambo mashanu vaiva muguta umu nasamunyori womutungamiriri wehondo aitungamirira vanhu venyika iyi. Akatapawo makumi matanhatu avarume venyika yacho vaiva mugutamo. 20Nebhuzaradhani mukuru mukuru wavachengetedzi vamambo akaenda navo kuna mambo weBhabhironi kuRibhura. 21Mambo weBhabhironi akavaponda vakafa kuRibhura kunyika yeHamati. Ndiko kutapwa kwakaitwa vokwaJudha vachibviswa munyika mavo.
Gedhariya mutongi wokwaJudha
(Jer 40:7–9; 41:1–3)
22Kune vokwaJudha vakasara vasiyiwa naNebhukadhineza mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani akasarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani kuva mutongi. 23Pakanzwa vakuru vakuru vose vezvikwata zvehondo navarwi vavo kuti mambo weBhabhironi akasarudza Gedhariya kuva mutongi, vakauya kuna Gedhariya kuMizipa. Kwaiti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea, kwoti Seraya mwanakomana waTanihumeti wokuNetofa naJaazaniya mumwe murume wechizvarwa chokwaMaaka. 24Gedhariya akatsidzira ivo navarwi vavo kuti, “Musatye zvenyu vakuru vakuru vechiKaridhea ava. Chenyu imi kugara munyika muno muchishandira zvenyu mambo weBhabhironi zvichakunakirai.”
25Asi mumwedzi wechinomwe, Ishimaeri mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama wokumba huru akauya negumi ravarume vakauraya Gedhariya navaJudha navaKaridhea vaakanga anavo muMizipa. 26Ipapo vanhu vose vakuru navadiki navakuru vakuru vezvikwata zvehondo vakasimuka vakaenda kuIjipiti nokuti vaitya vaKaridhea.
Kusunungurwa kwaJehoyakini muusungwa
(Jer 52:31–34)
27Mugore ramakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha mumwedzi wegumi nechipiri pazuva remakumi maviri nechinomwe romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi mugore raakatangisa kutonga akaita mwoyochena wokuburitsa Jehoyakini mujeri. 28Akataura naye zvakanaka akamupa chigaro chapamusoro kupinda madzimambo aaiva nawo muBhabhironi. 29Naizvozvo Jehoyakini akabvisa hanzu dzake dzousungwa. Mazuva ose oupenyu hwake akazenge ava kudya namambo pateburu nguva dzose. 30Panyaya yezvaaifanira kutambiriswa, aitambiriswa mugove wezvinobva kwamambo nguva dzose, mugove pazuva, upenyu hwake hwose.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 25: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.