2 VaKorinde 7:1-4
2 VaKorinde 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari. Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira. Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose. Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo.
2 VaKorinde 7:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari. Tigadzirireiwo nzvimbo mumwoyo yenyu. Hatina munhu watakatadzira, hatina munhu watakanyengera, hatina munhu watakaitira zvisakarurama. Handitauri izvi kuti ndikupei mhosva; ndakambotaura kare kuti imi muri mumwoyo yedu zvokuti tingagona kurarama kana kufa pamwe chete nemi. Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo.

2 VaKorinde 7:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari. Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu. Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi. Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
2 VaKorinde 7:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari. Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira. Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose. Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo.
2 VaKorinde 7:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari. Mutizarurirei mŋoyo yenyu; hatinakuitira munhu ɀisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina‐kunyeŋgera munhu. Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi. Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose.