Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 7:1-4

2 Vakorinde 7:1-4 SCLB

Zvatiine zvitsidzo izvi hama dzangu ngatizvichenesei kune zvose zvinon'oresa muviri kana mweya uye hutsvene hwedu huve hwakaruramisisa mukutya Mwari. Tigamuchireiwo nomwoyo wose, inga hapana watakatadzira wani. Hatina watakarunzira kuti atiitire zvechioko muhomwe. Hapana watakabiridzira. Handisi kutaura izvi kuti ndikupei mhosva. Sezvandambokutaurirai, ndimi vapamwoyo, zvokuti tinofa tose uye ticharamba tigere tose. Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo.