Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari. Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu. Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi. Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 7:1-4
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo