Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 7:1-4

2 VaKorinde 7:1-4 SNA2002

Zvino, vadikanwi, zvatine zvipikirwa izvi, ngatizvinatse pamatsvina ose enyama noomweya, tikwanise utsvene pakutya Mwari. Mutizarurire mwoyo yenyu; hatina kuitira munhu zvisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina kunyengera munhu. Handirevi izvi, kuti ndikupei mhosva; nokuti ndamboreva kuti imi muri mumwoyo medu, kuti tife nokurarama pamwechete nemi. Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose.