Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 7:1-4

2 ƲaKorinte 7:1-4 SUB1949

Ɀino, ʋaɗikanwa, ɀatineɀipikirwa iɀi, ŋgatiɀinatse pamatȿina ose enyama noomŋeya, tikwanise ʋutȿene pakutya Mŋari. Mutizarurirei mŋoyo yenyu; hatinakuitira munhu ɀisakarurama, hatina kutadzira munhu, hatina‐kunyeŋgera munhu. Handireʋi iɀi, kuti ndikupei mhoȿa; nokuti ndamboreʋa kuti imi muri mumŋoyo meɗu, kuti tife nokurarama pamŋe cete nemi. Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose.