2 VaKorinde 3:7-18
2 VaKorinde 3:7-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei! Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, takashinga zvikuru. Hatina kufanana naMozisi aiisa chifukidziro pachiso chake kuti vaIsraeri varege kuchitarisa kupenya pakwainge kwava kupera. Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa, nokuti chifukidziro chimwe chetecho chichiripo kana sungano yakare ichiverengwa. Hachina kubviswa, nokuti chinongobviswa chete muna Kristu. Kunyange kusvikira zuva ranhasi kana Mozisi achiverengwa, chifukidziro chinofukidza mwoyo yavo. Asi kana munhu akatendeukira kuna She chete, chifukidziro chinobviswa. Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka. Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
2 VaKorinde 3:7-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya. Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda. Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya. Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku, tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsiraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuura. Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura. Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirawa, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo. Zvino kana munhu achitendeukira kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waIshe, pane sununguko. Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.
2 VaKorinde 3:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa. Zvatiine chitarisiro chakadaro, tine chivindi. Hatiiti saMosesi aizvifukidza uso nejira kuti vaIsiraeri varege kuona magumo okupenya kukuru kwakanga kwava kupera. Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu. Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo, asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa. Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko. Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
2 VaKorinde 3:7-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

2 VaKorinde 3:7-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako — ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya. Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda. Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya. Naiɀoɀo, ɀatinetariro yakaɗai, tinotaura tisiŋgatyi napaɗuku, tisiŋgaiti saMosesi, waiisa cifukidziro paciso cake, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋarege kutarisisa kuguma kweɀinopfuʋura. Asi ndaŋgariro dzaʋo dzakakomara; nokuti kuȿikira zuʋa ranhasi, kana suŋgano yakare icirabga, cifukidziro ico ciri’po, ʋasiŋgaratidzwi kuti munaKristu ɀinopfuʋura. Asi kuȿikira nhasi, kana Mosesi acirabga, cifukidziro ciri’po pamŋoyo yaʋo. Ɀino kana munhu acitendeʋukira kunaShe, cifukidziro cinobviswa. Ishe ndiMŋeya; ɀino panoMŋeya waShe, panesunuŋguko. Ɀino isu tose tinoti ticitarira neciso cisina‐kufukidzirwa kubginya kwaShe sapaciʋoni‐ʋoni, tinoshandurwa ticifanana nomufananidzo iwoyo, ticibva pakubginya kumŋe ticienda kunokumŋe kubginya, seɀicibva kunaShe, Mŋeya.