Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa. Zvatiine chitarisiro chakadaro, tine chivindi. Hatiiti saMosesi aizvifukidza uso nejira kuti vaIsiraeri varege kuona magumo okupenya kukuru kwakanga kwava kupera. Mwoyo yavo yakabva yaomarara nokuti nanhasi wose pavanoverenga chitenderano chakare, jira rimwechetero rinoramba rakafukidza nokuti rinobviswa chete muna Kristu. Kunyange nanhasi, pose panoverengwa Mosesi, jira rinenge rakafukidza pfungwa dzavo, asi kana munhu akapindukira kuna Tenzi, jira riya rinobva rabviswa. Zvino Tenzi wacho ndiMweya. Pana Mweya waTenzi pano rusununguko. Isu tose takabviswa jira riya, mbiri yaTenzi inopenya matiri uye tiri kusandurwa tichitodzana naye, kupenya kwedu kuchingoramba kuchikurakura nokuti izvi zvinobva kuna Tenzi, Mweya.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 3:7-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo