Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako — ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya. Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda. Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya.
Naiɀoɀo, ɀatinetariro yakaɗai, tinotaura tisiŋgatyi napaɗuku, tisiŋgaiti saMosesi, waiisa cifukidziro paciso cake, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋarege kutarisisa kuguma kweɀinopfuʋura. Asi ndaŋgariro dzaʋo dzakakomara; nokuti kuȿikira zuʋa ranhasi, kana suŋgano yakare icirabga, cifukidziro ico ciri’po, ʋasiŋgaratidzwi kuti munaKristu ɀinopfuʋura. Asi kuȿikira nhasi, kana Mosesi acirabga, cifukidziro ciri’po pamŋoyo yaʋo. Ɀino kana munhu acitendeʋukira kunaShe, cifukidziro cinobviswa. Ishe ndiMŋeya; ɀino panoMŋeya waShe, panesunuŋguko. Ɀino isu tose tinoti ticitarira neciso cisina‐kufukidzirwa kubginya kwaShe sapaciʋoni‐ʋoni, tinoshandurwa ticifanana nomufananidzo iwoyo, ticibva pakubginya kumŋe ticienda kunokumŋe kubginya, seɀicibva kunaShe, Mŋeya.