Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya. Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda. Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
Naizvozvo, zvatine tariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku, tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsiraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuura.
Asi ndangariro dzavo dzakakokomara; nokuti kusvikira zuva ranhasi, kana sungano yakare ichirawa, chifukidziro icho chiripo, chisingaratidzwi kuti muna Kristu zvinopfuura. Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirawa, chifukidziro chiripo pamwoyo yavo. Zvino kana munhu achitendeukira kuna Ishe, chifukidziro chinobviswa. Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waIshe, pane sununguko. Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaIshe sapachioni-oni, tinosandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kunokumwe kubwinya, sezvichibva kuna Ishe, Mweya.