2 Makoronike 30:6-9
2 Makoronike 30:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti: “Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari.”

2 Makoronike 30:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nen’wadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, “Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria. Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona. Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri. Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.”
2 Makoronike 30:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sokutema kwakanga kwaita mambo, vanhu vokumhanya vakaenda kwaIsiraeri kwose nokwaJudha namatsamba aibva kuna mambo namachinda achiti, “Vanhu veIsiraeri dzokerai kuna Tenzi, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waIsiraeri kuti iyewo acheukezve katsama kenyu kavanhu vakasara vakapunyuka mumaoko amadzimambo eAsiria. Musaite samadzibaba enyu nehama dzenyu vakarega kutendeka kunaTenzi, Mwari wamadzibaba avo zvokuti akazovaita sechinhu chokuti ukaona chinokudederesa nokutya. Zvino chiregai kuomesa musoro sezvakanga zvakaita madzibaba enyu asi zviisei pasi paTenzi muuye kunzvimbo yake inoera yaakaeresa nokusingapere munamate Tenzi, Mwari wenyu kuti achirega kukuvirukirai nehasha. Chinondidariso ndechokuti kana imi mukadzokera kuna Tenzi, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navakavatapa vakadzokera kunyika ino nokuti Tenzi, Mwari wenyu ane mwoyochena netsiye nyoro uye haazokufuratirai kana imi madzokerawo kwaari.”
2 Makoronike 30:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda neŋwadi dzamambo namacinda ake pakati paʋaIsraeri ʋose naʋaJuda, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, ʋakati: Imi ʋana ʋaIsraeri, dzokerai ɀe kunaJehova Mŋari waAbrahama, naIsaka, naIsraeri, kuti iye adzokere ɀe kunaʋakasara pakati penyu, ʋakapukunyuka pamaʋoko amadzimambo eAsiria. Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nehama dzenyu, ʋakaɗarika mirairo yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu, iye akazoʋaita cishamiso, seɀamunoʋona. Regai kuʋa nemitsipa mikukutu, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa enyu; ɓatai ruʋoko rwaJehova, mupinde paimba yake tȿene, yaakanatsa nokusiŋgaperi, mushumire Jehova Mŋari wenyu, kuti kutsamŋa kwake kubviswe kwamuri. Nokuti kana imi mukadzokera kunaJehova, hama dzenyu naʋana ʋenyu ʋacanzwirwa tsitsi naʋatapi ʋaʋo, ʋagodzokera ɀe kunyika ino; nokuti Jehova Mŋari wenyu uneŋgoni nenyasha; haaŋgafuratidzi ciso cake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.
2 Makoronike 30:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)