Sokutema kwakanga kwaita mambo, vanhu vokumhanya vakaenda kwaIsiraeri kwose nokwaJudha namatsamba aibva kuna mambo namachinda achiti, “Vanhu veIsiraeri dzokerai kuna Tenzi, Mwari waAbhurahamu, Mwari waIsaki, Mwari waIsiraeri kuti iyewo acheukezve katsama kenyu kavanhu vakasara vakapunyuka mumaoko amadzimambo eAsiria. Musaite samadzibaba enyu nehama dzenyu vakarega kutendeka kunaTenzi, Mwari wamadzibaba avo zvokuti akazovaita sechinhu chokuti ukaona chinokudederesa nokutya. Zvino chiregai kuomesa musoro sezvakanga zvakaita madzibaba enyu asi zviisei pasi paTenzi muuye kunzvimbo yake inoera yaakaeresa nokusingapere munamate Tenzi, Mwari wenyu kuti achirega kukuvirukirai nehasha. Chinondidariso ndechokuti kana imi mukadzokera kuna Tenzi, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navakavatapa vakadzokera kunyika ino nokuti Tenzi, Mwari wenyu ane mwoyochena netsiye nyoro uye haazokufuratirai kana imi madzokerawo kwaari.”
Verenga chikamu 2 Nhoroondo 30
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Nhoroondo 30:6-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo