II Makoronike 30
30
Hezekia unoɗana ʋanhu kuzodya paseka paJerusarema.
1Ɀino Hezekia wakatuma nhume kuʋaIsraeri nokuʋaJuda ʋose, akanyora ʋo ŋwadi kuʋaEfraimi naʋaManase, kuti ʋaʋuye kuimba yaJehova paJerusarema, kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka. 2Nokuti mambo namacinda ake, neʋuŋgano yose paJerusarema ʋakaŋga ʋaraŋgana kuita paseka nomŋedzi wecipiri. 3Nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuiita neŋguʋa iyo, nokuti ʋaprista, ʋakanatswa, ʋakaŋga ʋasiŋgariŋgani, naʋanhu ʋo ʋakaŋga ʋasina‐kuʋuŋgana paJerusarema. 4Ɀino cinhu ici cakaŋga cakarurama pamberi pamambo neʋuŋgano yose. 5Naiɀoɀo ʋakasimbisa cireʋo, ʋakaziʋisa pakati paIsraeri pose, kubva paBeeri‐sheba kuȿikira paDani, kuti ʋanhu ʋaʋuye kuzoitira Jehova Mŋari waʋaIsraeri paseka paJerusarema; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kuiita ŋguʋa huru, seɀakaŋga ɀakanyorwa. 6Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda neŋwadi dzamambo namacinda ake pakati paʋaIsraeri ʋose naʋaJuda, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, ʋakati: Imi ʋana ʋaIsraeri, dzokerai ɀe kunaJehova Mŋari waAbrahama, naIsaka, naIsraeri, kuti iye adzokere ɀe kunaʋakasara pakati penyu, ʋakapukunyuka pamaʋoko amadzimambo eAsiria. 7Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nehama dzenyu, ʋakaɗarika mirairo yaJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu, iye akazoʋaita cishamiso, seɀamunoʋona. 8Regai kuʋa nemitsipa mikukutu, seɀakaŋga ɀakaita madziɓaɓa enyu; ɓatai ruʋoko rwaJehova, mupinde paimba yake tȿene, yaakanatsa nokusiŋgaperi, mushumire Jehova Mŋari wenyu, kuti kutsamŋa kwake kubviswe kwamuri. 9Nokuti kana imi mukadzokera kunaJehova, hama dzenyu naʋana ʋenyu ʋacanzwirwa tsitsi naʋatapi ʋaʋo, ʋagodzokera ɀe kunyika ino; nokuti Jehova Mŋari wenyu uneŋgoni nenyasha; haaŋgafuratidzi ciso cake kwamuri, kana mukadzokera kwaari. 10Naiɀoɀo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfraimi naManase, kuȿikira paZeburuni; asi ʋakaʋaseka, nokuʋaɗaɗira. 11Asi ʋamŋe ʋaʋaAsheri naʋaManase naʋaZeburuni, ʋakaɀininipisa, ʋakaenda Jerusarema. 12NapaJuda ʋo ruʋoko rwaMŋari rwakaʋapa mŋoyo mumŋe, kuti ʋaterere murairo wamambo namacinda neshoko raJehova. 13Ipapo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana paJerusarema, kuzoita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomŋedzi wecipiri, ikaita ʋuŋgano huru kwaɀo. 14Ʋakasimuka, ndokubvisa artari dzaiʋa paJerusarema, ʋakabvisa ʋo artari dzose dzeɀinonhuwira, ʋakadzikandira murukoʋa Kidroni. 15Ipapo ʋakaʋuraya gwaiana repaseka pazuʋa regumi namanna romŋedzi wecipiri; ʋaprista naʋaRevi ʋakanyara, ʋakaɀinatsa, ʋakaʋuya neɀipiriso ɀinopiswa mumba maJehova. 16Ʋakamira panɀimbo yaʋo seɀaʋakarairwa nomurairo waMosesi, iye munhu waMŋari; ʋaprista ʋakasasa ropa raʋakatora pamaʋoko aʋaRevi. 17Nokuti ʋazhinji ʋaiʋa’po paʋuŋgano ʋakaŋga ʋasina‐kuɀinatsa; saka ʋaRevi ʋaiʋa neɓasa rokuʋurayira ʋose, ʋakaŋga ʋasina‐kunatswa, makwaiana epaseka yaʋo, kuti ʋaʋanatsire Jehova. 18Nokuti ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋaEfraimi naʋaManase, naʋaIsakari naʋaZeburuni, ʋakaŋga ʋasina‐kuɀinatsa; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋakadya paseka nomutoʋo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia wakaŋga aʋanyeŋgeterera, aciti: Jehova wakanaka ŋgaakaŋganwire mumŋe nomumŋe, 19unoshiŋgaira nomŋoyo wake kutȿaka Mŋari, Jehova, Mŋari waɓaɓa ʋake, kunyaŋge asina‐kunatswa nomutoʋo wokunatswa kwenɀimbo tȿene. 20Jehova akanzwa Hezekia, akaporesa ʋanhu. 21Ɀino ʋana ʋaIsraeri, ʋaiʋa paJerusarema, ʋakaita mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa nomufaro mukuru mazuʋa manomŋe; ʋaRevi naʋaprista ʋakarumbidza Jehova zuʋa rimŋe nerimŋe, ʋaciridzira Jehova neɀokuridzisa ɀainzwika kure. 22Hezekia akataura noʋunyoro naʋaRevi ʋose ʋaigona kuɓatira Jehova ɀakanaka. Naiɀoɀo ʋakadya pamutambo mazuʋa manomŋe, ʋakaɓayira ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa, ʋaciɀireʋurura kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo. 23Ɀino ʋuŋgano yose yakaraŋgana kuita mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe; ʋakaita mazuʋa manomŋe ɀe nomufaro. 24Nokuti Hezekia mambo waJuda wakapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinomŋe, kuti ʋaɓayire naɀo; namacinda ʋo akapa ʋuŋgano nzombe dzinecuru cimŋe, namakwai aneɀuru ɀinegumi; ʋaprista ʋazhinji‐zhinji ʋakaɀinatsa. 25Ipapo ʋuŋgano yose yaJuda, pamŋe cete naʋaprista naʋaRevi, neʋuŋgano yose yakabva pakati paIsraeri, naʋatorwa ʋakabva panyika yaIsraeri, naʋakaŋga ʋagere paJuda, ʋakafara ʋose. 26Naiɀoɀo mufaro mukuru ukaʋa’po paJerusarema; nokuti kubva paŋguʋa yaSoromoni mŋanakomana waDavidi, mambo waIsraeri, hakuna‐kuitwa ɀakaɗaro paJerusarema. 27Ipapo ʋaprista ʋaRevi ʋakasimuka, ʋakaropafadza ʋanhu; manzwi aʋo akanzwika, nokunyeŋgetera kwaʋo kukaȿika kuʋugaro bgake ʋutȿene iko kuɗeŋga.
Zvasarudzwa nguva ino
II Makoronike 30: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018