Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 31

31
1Ɀino iɀo ɀose ɀakati ɀapera, ʋaIsraeri ʋose ʋakaŋga ʋari’po, ʋakaɓuɗa kumaguta aJuda, ʋakaputsa shoŋgwe, nokutema matanda okunamata nawo, ʋakaputsa matunhu akakwirira neartari kwaJuda nokwaBenjamini kwose, nokwaEfraimi nokwaManase, kuȿikira ʋaɀiparadza ɀose. Ipapo ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakadzokera kumaguta aʋo, mumŋe nomumŋe kuɀinhu ɀake. 2Hezekia akaraira mapoka aʋaprista naʋaRevi pamapoka aʋo, munhu mumŋe nomumŋe paɓasa rake, ʋaprista naʋaRevi ʋose, kuɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa, kushumira nokuʋoŋga, nokurumbidza mumasuʋo emisasa yaJehova. 3Akaraira ʋo mugoʋe wefuma yamambo weɀipiriso ɀinopiswa, ɀaiti: Weɀipiriso ɀinopiswa maŋgwanani namaɗekwana, neɀipiriso ɀinopiswa pamasaɓata, napakugara kwomŋedzi, napamitambo yakatarwa, seɀaɀakanyorwa pamurairo waJehova. 4Wakaraira ʋo ʋanhu ʋeJerusarema kupa ʋaprista naʋaRevi mugoʋe waʋo, kuti iʋo ʋasimbe pamurairo waJehova. 5Ɀino ʋakati ʋacaŋgonzwa murairo uyu, ʋana ʋaIsraeri ʋakapa ɀakawanda ɀeɀitȿa, ɀeɀiyo newaini, namafuta, noʋuci, nemicero yose yeminda; ʋuye cegumi ceɀinhu ɀose ʋakaʋuya naɀo ɀiri ɀizhinji. 6Naʋana ʋaIsraeri naʋaJuda ʋakaŋga ʋagere pamaguta aJuda ʋakaʋuya ʋo neɀegumi ɀenzombe namakwai, neɀegumi ɀeɀinhu ɀakatsaurwa ɀakaŋga ɀatsaurirwa Jehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiita mirwi. 7Ʋakataŋga kuita mirwi pamŋedzi wecitatu, ʋakapedza nomŋedzi wecinomŋe. 8Ɀino Hezekia namacinda, ʋakati ʋaȿika nokuʋona mirwi, ʋakaʋoŋga Jehova naʋanhu ʋake ʋaIsraeri. 9Ipapo Hezekia wakabvunza ʋaprista naʋaRevi pamsoro pemirwi. 10Azaria muprista mukuru weimba yaZadoki akamupindura, akati: Kubva ŋguʋa yaʋakataŋga kuisa ɀipo muimba yaJehova, takadya, tikaguta, tikasarirwa neɀizhinji, nokuti Jehova wakaropafadza ʋanhu ʋake; ɀasara ndiɀo ɀizhinji iɀi. 11Ipapo Hezekia wakaraira kuti ʋagadzire makamuri mumba maJehova; ʋakaagadzira. 12Ʋakapinza ɀipo, nomutoʋo wakatendeka, neɀegumi, neɀinhu ɀakatsaurirwa Jehova; Konania muRevi akaitwa mutariri waɀo, ʋuye Shimei munuŋuna wake wakaŋga ari wecipiri. 13naJehieri, naAzazia, naNahati, naAsaheri, naJerimoti, naJozabadi, naErieri, naIsmakia, naMahati, naBenaya, ʋaiʋa ʋatariri pasi paKonania naShimei munuŋuna wake, ʋakaŋga ʋagadzwa namambo Hezekia naAzaria mutariri weimba yaMŋari. 14Kore mŋanakomana waImna muRevi, mutariri wesuʋo rokumabvazuʋa, wakaŋga ari mutariri wenhendo dzaiŋgopiwa Mŋari nokuɀiɗira, kuti agoʋere ɀipo ɀaJehova neɀinhu ɀitȿene kwaɀo. 15Pasi pake pakaŋga panaEdeni, naMiniamini, naJeshua, naShemaya, naAmaria, naShekania, mumaguta aʋaprista, pamaɓasa aʋo akatarwa, kuti ʋape hama dzaʋo namapoka, ʋakuru naʋaɗuku ʋose; 16ʋasiŋgaʋereŋgi ʋarume ʋakaŋga ʋakanyorwa mazita aʋo, kubva pamakore matatu naʋanopfuʋura, aninani waipinda mumba maJehova, kuzoita maɓasa akaɗikanwa zuʋa rimŋe nerimŋe, pamaɓasa aʋo aʋakaŋga ʋapiwa namapoka aʋo; 17naʋakaŋga ʋaʋereŋgwa pamazita aʋaprista nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, naʋaRevi ʋamakore makumi maʋiri naʋakapfuʋura, pamaɓasa aʋo namapoka aʋo; 18naʋakaʋereŋgwa namazita epxere dzaʋo dzose, naʋakadzi ʋaʋo, naʋanakomana ʋaʋo, naʋanasikana ʋaʋo, paʋuŋgano yose; nokuti ʋakaŋga ʋaɀinatsa noʋutȿene pamaɓasa aʋo akatarwa; 19naʋanakomana ʋaAroni ʋaprista ʋakaŋga ʋari kuminda yoruwa rwamaguta aʋo, paguta rimŋe nerimŋe, kwaiʋa naʋarume ʋakaŋga ʋakanyorwa mazita aʋo, kuti ʋape ʋarume ʋose pakati paʋaprista migoʋe yaʋo, naʋose ʋakaʋereŋgwa mazita aʋo pakati paʋaRevi. 20Ndiɀo ɀakaita Hezekia kwaJuda kwose; akaita ɀakanaka neɀakarurama neɀakatendeka pamberi paJehova Mŋari wake. 21Paɓasa rimŋe nerimŋe raakataŋga pakushumira paimba yaMŋari, napamurairo, napamirau, napakutȿaka Mŋari wake, wakaɀiita nomŋoyo wake wose, akakunda.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 31: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda