Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 32

32
Sanheribi mambo weAsiria unokomba Jerusarema, asi ʋaJuda ʋanorwirwa naJehova.
1Shure kweɀinhu iɀi, nokutendeka uku, Sanheribi mambo weAsiria wakaȿika akapinda kwaJuda, akadzika matente kuzorwa namaguta akakombga namaȿiŋgo, acifuŋga kuɀikundira iwo. 2Ɀino Hezekia wakati aciʋona kuti Sanheribi waȿika, ʋuye kuti wakaŋga aciʋaʋarira kurwa neJerusarema, 3akaraŋgana namacinda ake naʋarume ʋake ʋanesimba, kuti ʋadziʋire mvura yamatsime akaŋga ari kunze kweguta; iʋo ʋakamuɓatsira. 4Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakadziʋira matsime ose norukoʋa rwakaŋga ruciyerera napakati penyika iyo, ʋaciti: Madzimambo eAsiria acaȿikirei’ko, akawana mvura zhinji? 5Iye akatsuŋga mŋoyo, akaʋaka ruȿiŋgo rwose rwaŋga rwakoromoka, akaruʋaka kuȿikira pashoŋgwe, norumŋe ruȿiŋgo rwokunze ʋo, akasimbisa Miro paguta raDavidi, akapfura nhumbi dzokurwa nadzo nenhoʋo zhinji. 6Akagadza ʋo ʋakuru ʋehondo pamsoro paʋanhu, akaʋaʋuŋganidza kwaari paɗare pasuʋo reguta, akataura noʋunyoro naʋo, aciti: 7Iʋai nesimba, mutsuŋge mŋoyo, regai kutya kana kuvunduka pamberi pamambo weAsiria, kana pamberi paʋazhinji ʋose ʋaanaʋo; nokuti une’su mukuru kunowaanaye iye; 8iye unoruʋoko rwenyama, asi une’su ndiJehova Mŋari weɗu, kuzotiɓatsira nokurwa naʋaʋeŋgi ʋeɗu. Ʋanhu ʋakaʋimba namashoko aHezekia mambo waJuda.
9Shure kwaiɀoɀi Sanheribi mambo weAsiria wakatuma ʋaranda ʋake Jerusarema, (ɀino iye wakaŋga ari pamberi peRakishi, anehondo yake yose) kunaHezekia mambo waJuda, nokuʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋari Jerusarema, akati: 10Ɀanzi naSanheribi mambo weAsiria: Cinyiko camunoʋimba naco, ɀamunorambira paJerusarema makakombga? 11Ko Hezekia haazino‐kukurudzirai, kuti mugozofa nenzara nenyota here, ɀaanoti: Jehova Mŋari weɗu ucatirwira paruʋoko rwamambo weAsiria? 12Haazi iye Hezekia wakabvisa matunhu ake akakwirira neartari dzake, akaraira Juda neJerusarema, aciti: Munofanira kunamata pamberi peartari imŋe, ʋuye munofanira kupisa ɀinonhuwira ipapo here? 13Hamuziʋi here ɀatakaitira ʋanhu ʋose ʋenyika ino, ini namadziɓaɓa aŋgu? Ko ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo ʋakatoŋgogona kurwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu here? 14Ndianiko pakati paʋamŋari ʋose ʋendudzi idzo dzakaparadzwa cose namadziɓaɓa aŋgu, wakatoŋgogona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu here? Ɀino Mŋari wenyu ucagona kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here? 15Ɀino naiɀoɀo Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai, kana kukukurudzirai nomutoʋo uyu; regai henyu kumutenda, nokuti hakunamŋari worudzi rupi norupi, kana ʋushe, wakagona kurwira ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu naparuʋoko rwamadziɓaɓa aŋgu; ɀikuru sei Mŋari wenyu haŋgakoniwi kukurwirai paruʋoko rwaŋgu here? 16Ʋaranda ʋake ʋakawedzera kushoʋora Jehova Mŋari nomuranda wake Hezekia. 17Akanyora ʋo ŋwadi yokuɗaɗira nayo Jehova Mŋari waIsraeri, nokumushoʋora, aciti: Ʋamŋari ʋendudzi dzenyika idzo seɀaʋasina‐kurwira ʋanhu ʋaʋo paruʋoko rwaŋgu, saiɀoɀo ʋo Mŋari waHezekia haaŋgarwiri ʋanhu ʋake paruʋoko rwaŋgu. 18Ʋakaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda kuʋanhu ʋeJerusarema ʋakaŋga ʋari pamsoro poruȿiŋgo, kuʋatyisa, nokuʋavundusa, kuti ʋagokunda guta. 19Ʋakataura pamsoro paMŋari weJerusarema, ʋacimuenzanisa naʋamŋari ʋaʋanhu ʋenyika, ʋakaitwa namaʋoko aʋanhu. 20Ɀino mambo Hezekia nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, ʋakanyeŋgetera nokuɗa kwacinhu ici, ʋakacemera kuɗeŋga. 21Ipapo Jehova akatuma mutumŋa wakaparadza ʋose ʋakaŋga ʋanesimba noʋumhare, naʋatuŋgamiriri, naʋakuru pamisasa yamambo weAsiria. Saka iye wakadzokera kunyika yake acinyara. Ɀino wakati acipinda mumba mamŋari wake, aʋo ʋakaŋga ʋaɓuɗa paciʋuno cake ʋakamuʋurayira’po nomunondo. 22Saiɀoɀo Jehova wakarwira Hezekia naʋakaŋga ʋagere Jerusarema paruʋoko rwaSanheribi mambo weAsiria napamaʋoko aʋose, akaʋaceŋgeta pamatiʋi ose. 23Ʋazhinji ʋakaʋuya neɀipo kunaJehova paJerusarema, neɀinhu ɀinokosha kunaHezekia mambo waJuda; naiɀoɀo kubva paŋguʋa iyo wakakudzwa pamberi pendudzi dzose.
Kurwara kwaHezekia nokufa kwake.
24Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, kuȿikira pakufa; akanyeŋgetera kunaJehova, iye akataura naye, akamupa ciratidzo. 25Asi cinhu ico cakanaka caakaitirwa, Hezekia haana‐kuciripira ɀakanaka, nokuti mŋoyo wake wakaɀikudza, Jehova akamutsamŋira iye, naJuda neJerusarema. 26Asi Hezekia wakazoɀininipisa pamsoro pokuɀikudza kwomŋoyo wake, iye naʋakaŋga ʋagere Jerusarema, saka kutsamŋa kwaJehova hakuna‐kuʋaʋiŋga pamazuʋa aHezekia. 27Hezekia wakaŋga anefuma zhinji nokukudzwa, akaɀiitira ɀiʋigiro ɀefuma yesirveri, neyendarama, neyeɀibge ɀinokosha, neyeɀinonhuwira, neyenhoʋo, neyemidziyo yose yakanaka yamarudzi ose; 28namatura eɀiyo ɀakawanda, nedzimba dzewaini, namafuta; namataŋga eɀipfuwo ɀamarudzi ose, neɀirugu ɀamakwai. 29Wakaɀiwanira ʋo maguta, nefuma yamakwai neŋombe zhinji; nokuti Mŋari wakaŋga amupa fuma zhinji kwaɀo. 30Ndiye Hezekia ʋo wakadziʋira tsime rokumsoro remvura yeGihoni, akaifambisa ikarurama kurutiʋi rwamaʋirazuʋa rweguta raDavidi. Hezekia akakunda pamaɓasa ake ose. 31Asi pashoko renhume dzamacinda eBabironi, akatuma kwaari kuzomubvunza pamsoro pecishamiso cakaŋga caitwa panyika, Mŋari wakamusiya, kuti amuidze, kuti aziʋe ɀose ɀiri mumŋoyo make. 32Ɀino mamŋe maɓasa aHezekia, neɀakanaka ɀaakaɓata, tarirai, ɀakanyorwa paneɀakaʋonekwa nomuprofita Isaya mŋanakomana waAmozi, mubuku yamadzimambo aJuda naIsraeri. 33Hezekia akaʋata namadziɓaɓa ake, ʋakamuʋiga kumukwidzwa unoenda kumarinda aʋanakomana ʋaDavidi; ʋaJuda ʋose naʋakaŋga ʋagere Jerusarema ʋakamukudza pakufa kwake. Mŋanakomana wake Manase akamuteʋera paʋushe.

Zvasarudzwa nguva ino

II Makoronike 32: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda