2 Makoronike 30
30
Hezekia anodana vanhu kuzodya Pasika paJerusaremu
1Zvino Hezekia akatuma nhume kuvaIsiraeri nokuvaJudha vose, akanyorawo n’wadhi kuvaEfuremu navaManase, kuti vauye kuimba yaJehovha paJerusaremu, kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika. 2Nokuti mambo namachinda ake, neungano yose paJerusaremu vakanga varangana kuita Pasika nomwedzi wechipiri. 3Nokuti vakanga vasingagoni kuiita nenguva iyo, nokuti vapristi, vakanatswa, vakanga vasingaringani, navanhuwo vakanga vasina kuungana paJerusaremu. 4Zvino chinhu ichi chakanga chakarurama pamberi pamambo neungano yose. 5Naizvozvo vakasimbisa chirevo, vakazivisa pakati paIsiraeri pose, kubva paBheerishebha kusvikira paDhani, kuti vanhu vauye kuzoitira Jehovha Mwari wavaIsiraeri Pasika paJerusaremu; nokuti vakanga vasina kuiita nguva huru, sezvakanga zvakanyorwa. 6Ipapo nhume dzakamhanya dzikaenda nen’wadhi dzamambo namachinda ake pakati pavaIsiraeri vose navaJudha, sezvavakanga varairwa namambo, vakati, “Imi vana vaIsiraeri, dzokeraizve kuna Jehovha Mwari waAbhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, kuti iye adzokerezve kunavakasara pakati penyu, vakapukunyuka, pamaoko amadzimambo eAsiria. 7Regai kuva samadzibaba enyu, nehama dzenyu, vakadarika mirairo yaJehovha Mwari wamadzibaba enyu, iye akazovaita chishamiso sezvamunoona. 8Regai kuva nemitsipa mikukutu, sezvakanga zvakaita madzibaba enyu; batai ruoko rwaJehovha, mupinde paimba yake tsvene, yaakanatsa nokusingaperi, mushumire Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake kubviswe kwamuri. 9Nokuti kana imi mukadzokera kuna Jehovha, hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi navatapi vavo, vagodzokerazve kunyika ino; nokuti Jehovha Mwari wenyu ane ngoni nenyasha; haangafuratidzi chiso chake kwamuri, kana mukadzokera kwaari.”
10Naizvozvo nhume dzakamhanya dzikapota pamaguta ose panyika yose yaEfuremu naManase, kusvikira paZebhuruni; asi vakavaseka, nokuvadadira. 11Asi vamwe vavaAsheri navaManase navaZebhuruni, vakazvininipisa, vakaenda Jerusaremu. 12NapaJudhawo ruoko rwaMwari rwakavapa mwoyo mumwe, kuti vateerere murayiro wamambo namachinda neshoko raJehovha.
13Ipapo vanhu vazhinji vakaungana paJerusaremu, kuzoita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomwedzi wechipiri, ikaita ungano huru kwazvo. 14Vakasimuka, ndokubvisa aritari dzaiva paJerusaremu, vakabvisawo aritari dzose dzezvinonhuwira, vakadzikandira murukova Kidhironi. 15Ipapo vakauraya gwayana rePasika pazuva regumi namana romwedzi wechipiri; vapristi navaRevhi vakanyara, vakazvinatsa, vakauya nezvipiriso zvinopiswa mumba maJehovha. 16Vakamira panzvimbo yavo sezvavakarairwa nomurayiro waMosesi, iye munhu waMwari; vapristi vakasasa ropa ravakatora pamaoko avaRevhi. 17Nokuti vazhinji vaivapo paungano vakanga vasina kuzvinatsa; saka vaRevhi vaiva nebasa rokuurayira vose, vakanga vasina kunatswa, makwayana ePasika yavo, kuti vavanatsire Jehovha. 18Nokuti vanhu vazhinji-zhinji vaEfuremu navaManase, navaIsakari navaZebhuruni, vakanga vasinakuzvinatsa; kunyange zvakadaro vakadya Pasika nomutowo wakapesana nowakanyorwa. Nokuti Hezekia akanga avanyengeterera, achiti, “Jehovha wakanaka ngaakanganwire mumwe nomumwe, 19unoshingaira nomwoyo wake kutsvaka Mwari, Jehovha, Mwari wababa vake, kunyange asina kunatswa nomutowo wokunatswa kwenzvimbo tsvene.” 20Jehovha akanzwa Hezekia, akaporesa vanhu.
21Zvino vana vaIsiraeri, vaiva paJerusaremu, vakaita mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa nomufaro mukuru mazuva manomwe; vaRevhi navapristi vakarumbidza Jehovha zuva rimwe nerimwe, vachiridzira Jehovha nezvokuridzisa zvainzwika kure. 22Hezekia akataura nounyoro navaRevhi vose vaigona kubatira Jehovha zvakanaka. Naizvozvo vakadya pamutambo mazuva manomwe, vakabayira zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, vachizvireurura kuna Jehovha Mwari wamadzibaba avo. 23Zvino ungano yose yakarangana kuita mamwe mazuva manomwezve; vakaita mazuva manomwezve nomufaro. 24Nokuti Hezekia mambo waJudha akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvinomwe, kuti vabayire nazvo; namachindawo akapa ungano nzombe dzine chiuru chimwe, namakwai ane zviuru zvine gumi; vapristi vazhinji-zhinji vakazvinatsa. 25Ipapo ungano yose yaJudha, pamwechete navapristi navaRevhi, neungano yose yakabva pakati paIsiraeri, navatorwa vakabva panyika yaIsiraeri, navakanga vagere paJudha, vakafara vose.
26Naizvozvo mufaro mukuru ukavapo paJerusaremu; nokuti kubva panguva yaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo waIsiraeri, hakuna kuita zvakadaro paJerusaremu. 27Ipapo vapristi vaRevhi vakasimuka, vakaropafadza, vanhu; manzwi avo akanzwika, nokunyengetera kwavo kukasvika kuugaro hwake utsvene iko kudenga.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Makoronike 30: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002