1 Timoti 2:1-4
1 Timoti 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi.
1 Timoti 2:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe; madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa. Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu; uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.
1 Timoti 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro pokutanga ndinokurudzira kuti mikumbiro neminamato nezvichemo nokutenda zviitirwe vanhu vose vanoti: madzimambo navose vari pazvinzvimbo zvapamusoro kuti tigare upenyu hune runyararo norugare, upenyu huna Mwari mukati uye hunoremekedzwa mativi ose. Izvi zvakanaka uye zvinogamuchirika pamberi paMwari noMununuri wedu anoda kuti munhu wose aponeswe uye kuti azive chokwadi.
1 Timoti 2:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo pakutaŋga kweɀose ndinoraira kuti ʋanhu ʋose ʋakumbirirwe, ʋanyeŋgetererwe, ʋareʋererwe, ʋaʋoŋgerwe; madzimambo, naʋose ʋari ʋakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mŋari kwose, nomugarire unokudzwa. Ndiɀo ɀakanaka, ɀinofadza pamberi paMŋari, Muponesi weɗu; uyo unoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaponeswe, ʋaȿike pakuziʋa ɀokwaɗi.
1 Timoti 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)