I Timotio 2
2
Ʋanhu ʋose ŋgaʋanyeŋgetererwe.
1Naiɀoɀo pakutaŋga kweɀose ndinoraira kuti ʋanhu ʋose ʋakumbirirwe, ʋanyeŋgetererwe, ʋareʋererwe, ʋaʋoŋgerwe; 2madzimambo, naʋose ʋari ʋakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mŋari kwose, nomugarire unokudzwa. 3Ndiɀo ɀakanaka, ɀinofadza pamberi paMŋari, Muponesi weɗu; 4uyo unoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaponeswe, ʋaȿike pakuziʋa ɀokwaɗi. 5Nokuti kunoŋgoʋa naMŋari mumŋe cete, noMureʋeri mumŋe cete ʋo, pakati paMŋari naʋanhu, ndiye munhu Kristu Jesu, 6wakaɀipa iye, kuti aʋe rudzikinuro rwaʋose, ciʋe capupu paŋguʋa dzaɀo, 7ico candakaitirwa muparidzi nomuapostora (ndinoreʋa ɀirokwaɀo, handireʋi nhema), nomudzidzisi waʋahedeni pakutenda neɀokwaɗi.
Ɀinofanira kuita ʋakadzi.
8Naiɀoɀo ndinoɗa kuti ʋarume ʋanyeŋgetere panɀimbo dzose, ʋacisimudza maʋoko matȿene, ʋasinakutsamŋa nenharo. 9Saiɀoɀo ʋo, kuti ʋakadzi ʋashoŋge ŋguʋo dzakafanira, ʋanokunyara nokuɀidzora; ʋasaʋa nevudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana ŋguʋo dzinodya mari zhinji; 10asi ŋgaʋashoŋge maɓasa akanaka, seɀinofanira ʋakadzi ʋanoti tinonamata Mŋari. 11Mukadzi ŋgaadzidze nokunyarara nokuɀiisa pasi kwose. 12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti aʋe nesimba pamsoro pomurume, asi ŋgaanyarare. 13Nokuti Adama wakataŋga kuʋumbga, teʋere Eva; 14naAdama haanakunveŋgerwa, asi mukadzi wakanyeŋgerwa akapinda pakuɗarika; 15asi ucaponeswa nokuɓereka ʋana, kana ʋacirambira mukutenda noruɗo, noʋutȿene pamŋe cete nokuɀidzora.
Zvasarudzwa nguva ino
I Timotio 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018