I Timotio 1
1
Kwaziso.
1Pauro, muapostora waKristu Jesu nokuraira kwaMŋari, Muponesi weɗu, naKristu Jesu, tariro yeɗu; 2kunaTimotio, mŋana waŋgu caiye pakutenda: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe.
Timotio ŋgaaraire ʋadzidzisi ʋenhema.
3Seɀandakakumbira ɀikuru kwauri, ini ndicienda Makedonia, ndinoti, usare paEfeso, kuti uraire ʋamŋe ʋarege kudzidzisa dzimŋe dzidziso; 4kana kuraŋgarira ŋgano namazita amadziteteguru asiŋgaperi, ɀinoŋgomutsa nharo, ɀisiŋgatendisi ɀakarairwa naMŋari, ɀiri mukutenda. 5Asi cinoʋaʋarirwa nomurairo ndirwo ruɗo runobva pamŋoyo wakacena, napahana yakanaka, napakutenda kusiŋganyeŋgeri; 6ʋamŋe ʋakarashika paɀinhu iɀoɀi, ʋakatsaukira kukutaura kusinamaturo; 7ʋacitȿaka kuti ʋaʋe ʋadzidzisi ʋomurairo, ʋasiŋgaziʋi ɀaʋanoreʋa kana ɀaʋanosimbisa. 8Asi tinoziʋa kuti murairo wakanaka, kana munhu aciita nawo seɀinoreʋa murairo, 9aciziʋa kuti murairo hauna‐kuitirwa wakarurama, asi ʋasinehanya nomurairo, naʋasiŋgatereri, naʋasiŋgaɗi Mŋari, naʋatadzi, naʋasi ʋatȿene, naʋasinehanya naMŋari, naʋanoroʋa madziɓaɓa, naʋanoroʋa madzimai, naʋanoʋuraya ʋanhu; 10nemhombge, naʋanopombora naʋarume, naʋanoɓa ʋanhu, naʋanoreʋa nhema, naʋanopika nhema, ʋuye kana cimŋe ciri’ko cinopesana nedzidziso yakarurama; 11seɀinoreʋa Evaŋgeri yokubginya kwaMŋari womufaro, yandakapiwa ini.
Pauro unoʋoŋga kuti Mŋari wakamuisa paɓasa rake.
12Ndinomuʋoŋga iye Kristu Jesu, Ishe weɗu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa paɓasa rake; 13kunyaŋge ini ndaiʋa mumhuri waMŋari kare, nomutambudzi ndiciitira vanhu ɀakaipa; asi ndakaitirwa ŋgoni, nokuti ndakaŋga ndiciɀiita nokusaziʋa pakusatenda; 14asi nyasha dzaShe weɗu dzakawanda ɀikuru nokutenda, noruɗo ruri munaKristu Jesu. 15Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo, kuti Kristu Jesu wakaʋuya panyika kuzoponesa ʋatadzi; aʋo, ini ndiri mukuru waʋo; 16asi naiɀoɀo ndakaitirwa ŋgoni, kuti Jesu Kristu aratidze mŋoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru waʋatadzi, kuti ndiʋe ciratidzo kunaʋanozotenda kwaari, ɀinoʋaisa kuʋupenyu bgusiŋgaperi. 17Ɀino iye Ishe usiŋgaperi, usiŋgafi, usiŋgaʋonekwi, Mŋari woga, ŋgaaʋe nokukudzwa nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
Pauro unopa Timotio ɓasa rake.
18Ƃasa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mŋana waŋgu, kuti seɀaɀakaprofitwa kare pamsoro pako, urwe pfumo rakanaka maɀiri; 19wakaɓata kutenda nehana yakarurama; iyo yakarashwa naʋamŋe, ʋakarashikirwa nokutenda; 20ʋamŋe ʋaʋo ndiHimenio naAreksandro, ʋandakaisa kunaSatani, ʋadzidziswe kuti ʋarege kumhura Mŋari.
Zvasarudzwa nguva ino
I Timotio 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018