Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 5:1-28

1 VaTesaronika 5:1-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye. Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino. Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose. Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. Musadzima moto woMweya; musazvidza zviprofita. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. Hama, tinyengeterereiwo. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

1 VaTesaronika 5:1-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu; nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raIshe rinosvika sembavha usiku. Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi ane pamuviri; havangatongopukunyuka. Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vohusiku, kana verima. Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke. Nokuti vanovata, vanovata usiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa usiku. Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo nengowani ive tariro yoruponeso. Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu; akatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwechete naye. Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo. Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai muna ishe, vanokurayirai; muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu. Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose. Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kunomumwe, nokuna vose. Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. Musadzima Mweya; musazvidza zvinoporofitwa; edzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka; regai marudzi ose ezvakaipa. Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Akatendeka ndiye anokudanai, achazviitawo. Hama dzangu, tinyengetererei. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iravirwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

1 VaTesaronika 5:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Hama dzangu, kana zviri zvemisi nenguva hazvina chazvinokubatsirai kukunyorerai nezvazvo nokuti imi pachenyu munonyasozviziva kuti zuva raTenzi richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka. Asi imi hamusi murima hama dzangu, kuti zuva iroro riyerekane rakunyangirai sembavha. Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima. Naizvozvo ngatiregei kukotsira sezvinoita vamwe. Asi ngatirambei takasvinura, pfungwa dzedu dziri pamwechete Vanokotsira, vanokotsira usiku. Vanoraradzawo vanoraradza usiku. Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino. Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai. Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka. Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. Musadzimure Mweya Mutsvene. Musashore chiporofita, asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. Hama tinamatireiwo. Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake.

1 VaTesaronika 5:1-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi kana dziri ŋguʋa nemisi, hama dzaŋgu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe cinhu; nokuti imi mumene munoziʋa kwaɀo, kuti zuʋa raShe rinoȿika sembava ʋusiku. Kana ʋaciti, Rugare, nokugarika — ipapo kuparadzwa kucakurumidza kuʋawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; haʋaŋgatoŋgopukunyuki. Asi imi, hama dzaŋgu, hamuzi murima, kuti zuʋa iro rikuɓatei sembava. Nokuti imi mose muri ʋana ʋeciedza, naʋana ʋamasikati; hatizi ʋoʋusiku, kana ʋerima. Naiɀoɀo ŋgatirege kuʋata saʋamŋe, asi tirinde, tiȿinuke. Nokuti ʋanoʋata, ʋanoʋata ʋusiku; ʋanoɓatwa neɗoro, ʋanoɓatwa ʋusiku. Asi isu, ɀatiri ʋamasikati, ŋgatiȿinuke, takapfeka cidzitiro cecifuʋa cokutenda noruɗo; neŋgowani iʋe tariro yoruponeso. Nokuti Mŋari haana‐kutiisira kutsamŋa, asi kuti tiwane ruponeso naShe weɗu Jesu Kristu; wakatifira isu, kuti, kana ticirinda, kana ticiʋata, tirarame pamŋe cete naye. Saka nyaradzanai, musimbisane, seɀamunoita ʋo. Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muziʋe aʋo ʋanoɓata pakati penyu, ʋanokutuŋgamirirai munaShe, ʋanokurairai; muʋakudze ɀikuru noruɗo, nokuɗa kweɓasa raʋo. Iʋai norugare pakati penyu. Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose. Cenjerai kuti mumŋe arege kutsiʋa mumŋe ɀakaipa neɀakaipa; asi ŋguʋa dzose muteʋere ɀinhu ɀakanaka, mumŋe kunomumŋe, nokunaʋose. Farai ŋguʋa dzose. Rambai mucinyeŋgetera. Ʋoŋgai paɀinhu ɀose; nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari kwamuri munaKristu Jesu. Musadzima Mŋeya; musaɀidza ɀinoprofitwa; idzai ɀinhu ɀose; muɓatisise ɀakanaka; regai marudzi ose eɀakaipa. Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu. Wakatendeka ndiye unokuɗanai, ucaɀiita ʋo. Hama dzaŋgu, tinyeŋgetererei. Kwazisai hama dzose nokuȿeta kutȿene. Ndinokupikirai naShe, kuti ŋwadi iyi iraʋirwe hama dzose. Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.

1 VaTesaronika 5:1-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)