Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I ƲaTesaronika 5:1-28

I ƲaTesaronika 5:1-28 SUB1949

Asi kana dziri ŋguʋa nemisi, hama dzaŋgu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe cinhu; nokuti imi mumene munoziʋa kwaɀo, kuti zuʋa raShe rinoȿika sembava ʋusiku. Kana ʋaciti, Rugare, nokugarika — ipapo kuparadzwa kucakurumidza kuʋawira, sokurwadzwa kwomukadzi unemimba; haʋaŋgatoŋgopukunyuki. Asi imi, hama dzaŋgu, hamuzi murima, kuti zuʋa iro rikuɓatei sembava. Nokuti imi mose muri ʋana ʋeciedza, naʋana ʋamasikati; hatizi ʋoʋusiku, kana ʋerima. Naiɀoɀo ŋgatirege kuʋata saʋamŋe, asi tirinde, tiȿinuke. Nokuti ʋanoʋata, ʋanoʋata ʋusiku; ʋanoɓatwa neɗoro, ʋanoɓatwa ʋusiku. Asi isu, ɀatiri ʋamasikati, ŋgatiȿinuke, takapfeka cidzitiro cecifuʋa cokutenda noruɗo; neŋgowani iʋe tariro yoruponeso. Nokuti Mŋari haana‐kutiisira kutsamŋa, asi kuti tiwane ruponeso naShe weɗu Jesu Kristu; wakatifira isu, kuti, kana ticirinda, kana ticiʋata, tirarame pamŋe cete naye. Saka nyaradzanai, musimbisane, seɀamunoita ʋo. Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muziʋe aʋo ʋanoɓata pakati penyu, ʋanokutuŋgamirirai munaShe, ʋanokurairai; muʋakudze ɀikuru noruɗo, nokuɗa kweɓasa raʋo. Iʋai norugare pakati penyu. Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose. Cenjerai kuti mumŋe arege kutsiʋa mumŋe ɀakaipa neɀakaipa; asi ŋguʋa dzose muteʋere ɀinhu ɀakanaka, mumŋe kunomumŋe, nokunaʋose. Farai ŋguʋa dzose. Rambai mucinyeŋgetera. Ʋoŋgai paɀinhu ɀose; nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari kwamuri munaKristu Jesu. Musadzima Mŋeya; musaɀidza ɀinoprofitwa; idzai ɀinhu ɀose; muɓatisise ɀakanaka; regai marudzi ose eɀakaipa. Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu. Wakatendeka ndiye unokuɗanai, ucaɀiita ʋo. Hama dzaŋgu, tinyeŋgetererei. Kwazisai hama dzose nokuȿeta kutȿene. Ndinokupikirai naShe, kuti ŋwadi iyi iraʋirwe hama dzose. Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.