Hama dzangu, kana zviri zvemisi nenguva hazvina chazvinokubatsirai kukunyorerai nezvazvo nokuti imi pachenyu munonyasozviziva kuti zuva raTenzi richauya sembavha usiku. Vanhu pavanenge voti kune rugare uye hakuna chinotiwana, pakare pakarepo ndipo pavanobva vavingwa nokuparadzwa sokuuya kunoita kurwadziwa pamukadzi ana pamuviri. Hapana zvokupukunyuka. Asi imi hamusi murima hama dzangu, kuti zuva iroro riyerekane rakunyangirai sembavha. Chikonzero chacho ndechokuti imi mose muri vana vechiedza uye muri vana vamasikati. Hatisi vanhu vousiku kana verima. Naizvozvo ngatiregei kukotsira sezvinoita vamwe. Asi ngatirambei takasvinura, pfungwa dzedu dziri pamwechete Vanokotsira, vanokotsira usiku. Vanoraradzawo vanoraradza usiku. Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino. Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai. Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka. Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. Musadzimure Mweya Mutsvene. Musashore chiporofita, asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. Hama tinamatireiwo. Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake.
Verenga chikamu 1 Vatesaronika 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Vatesaronika 5:1-28
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo