Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 5

5
1Asi kana dziri nguva nemisi, hama dzangu, hamufaniri henyu kuti munyorerwe chinhu; 2nokuti imi mumene munoziva kwazvo, kuti zuva raIshe rinosvika sembavha usiku.
3Kana vachiti, Rugare, nokugarika ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, sokurwadzwa kwomukadzi ane pamuviri; havangatongopukunyuka.
4Asi imi, hama dzangu, hamuzi murima, kuti zuva iro rikubatei sembavha. 5Nokuti imi mose muri vana vechiedza, navana vamasikati; hatizi vohusiku, kana verima. 6Naizvozvo ngatirege kuvata savamwe, asi tirinde, tisvinuke. 7Nokuti vanovata, vanovata usiku; vanobatwa nedoro, vanobatwa usiku. 8Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo nengowani ive tariro yoruponeso. 9Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu; 10akatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwechete naye. 11Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.
Kunyevera kwokupedzisira nokuonekana
12Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai muna ishe, vanokurayirai; 13muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu. 14Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose. 15Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kunomumwe, nokuna vose. 16Farai nguva dzose.
17Rambai muchinyengetera. 18Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
19Musadzima Mweya; 20musazvidza zvinoporofitwa; 21edzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka; 22regai marudzi ose ezvakaipa.
23Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24Akatendeka ndiye anokudanai, achazviitawo.
25Hama dzangu, tinyengetererei. 26Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.
27Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iravirwe hama dzose.
28Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaTesaronika 5: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda