1 VaTesaronika 4:14-18
1 VaTesaronika 4:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Isu tinotenda kuti Jesu akafa uye akamukazve, nokudaro isu tinotenda kuti Mwari achauyisa pamwe chete naJesu avo vakavata maari. Samashoko aShe pachake, tinokuudzai kuti isu vachiri vapenyu, vachasara kusvikira pakuuya kwaShe, zvirokwazvo hatizotangiri avo vakavata. Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi. Naizvozvo kurudziranai namashoko aya.
1 VaTesaronika 4:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye. Nokuti tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakavata. Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.
1 VaTesaronika 4:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa. Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka. Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi. Naizvozvo potai muchinyaradzana namashoko iwaya.
1 VaTesaronika 4:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kana ticitenda kuti Jesu wakafa, akamuka ɀe, saiɀoɀo ʋo aʋo ʋakaʋata munaJesu, Mŋari ucaʋaʋuyisa pamŋe cete naye. Nokuti tinokuʋudzai neshoko raShe, kuti isu ʋapenyu, ʋakasara kuȿikira pakuʋuya kwaShe, hatiŋgatoŋgotaŋgiri ʋakaʋata. Nokuti Ishe amene ucaɓuruka kuɗeŋga nokuɗanidzira, nenzwi romutumŋa mukuru, nehwamanda yaMŋari; ʋakafa munaKristu ʋacataŋga kumuka; ɀino isu ʋapenyu, ʋakasara, ticatorwa pamŋe cete naʋo mumakore, kuti ticiŋgamidze Ishe muɗeŋga; naiɀoɀo ticaʋa naShe ŋguʋa dzose. Naiɀoɀo nyaradzanai namashoko awa.
1 VaTesaronika 4:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)