Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 4:14-18

1 Vatesaronika 4:14-18 SCLBD

Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa. Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka. Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi. Naizvozvo potai muchinyaradzana namashoko iwaya.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 Vatesaronika 4:14-18