Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaTesaronika 4:14-18

1 VaTesaronika 4:14-18 SNA2002

Nokuti kana tichitenda kuti Jesu akafa, akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu, Mwari achavauyisa pamwechete naye. Nokuti tinokuudzai neshoko raIshe, kuti isu vapenyu, vakasara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatingatongotangiri vakavata. Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nezwi romutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari; vakafa muna Kristu vachatanga kumuka; zvino isu vapenyu, vakasara, tichatorwa pamwechete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga; naizvozvo tichava naIshe nguva dzose. Naizvozvo nyaradzanai namashoko awa.

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe ne1 VaTesaronika 4:14-18