Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 25:2-17

1 Samueri 25:2-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Mumwe murume weMaoni, uyo akanga ane pfuma ikoko paKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga ane mbudzi chiuru uye makwai zviuru zvitatu, aakanga achiveura paKarimeri. Zita rake rainzi Nabhari uye zita romukadzi wake rainzi Abhigairi. Mukadzi akanga akangwara uye akanaka kwazvo, asi murume wake muKarebhu, akanga ane mwoyo mukukutu akaipa pamagariro ake. Dhavhidhi achiri mugwenga, akanzwa kuti Nabhari akanga achiveura makwai ake. Saka akatuma majaya gumi akati kwavari, “Endai kuna Nabhari paKarimeri mundomukwazisa muzita rangu. Muti kwaari, ‘Rugare kwauri! Utano hwakanaka kwauri neimba yako! Uye utano hwakanaka pazvinhu zvako zvose! “ ‘Zvino ndinonzwa kuti ino inguva yokuveura makwai. Vafudzi vako pavakanga vanesu, isu hatina kuvabata zvakaipa, uye nguva yose yavakanga vari paKarimeri hakuna chimwe chezvinhu zvavo chakarasika. Ubvunze varanda vako, ivo vachakuudza. Naizvozvo chinzwira majaya angu tsitsi, sezvo tasvika panguva yomutambo. Ndapota ipai varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi zvose zvamungamuwanira.’ ” Vanhu vaDhavhidhi vakati vasvika, vakaudza Nabhari mashoko aya muzita raDhavhidhi. Ipapo vakamirira. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi uyu ndiani? Ndianiko uyu mwanakomana waJese? Varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo mazuva ano aya. Ko, ndingatorerei chingwa changu nemvura yangu uye nenyama yandakaurayira vaveuri vangu, ndichipa vanhu vandisingazivi kwavanobva?” Vanhu vaDhavhidhi vakatendeuka vakadzokera havo. Vakati vasvika, vakamutaurira mashoko ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Pakatai minondo!” Saka vakapakata minondo yavo, naDhavhidhi akapakatawo wake. Varume vanenge mazana mana vakaenda naDhavhidhi, vanokwana mazana maviri vakasara vane nhumbi. Mumwe wavaranda akataura kuna Abhigairi mukadzi waNabhari akati, “Dhavhidhi akatuma nhume kubva kurenje kuzokwazisa vatenzi vedu, asi ivo vakavatuka. Asi varume ava vakanga vakanaka kwazvo kwatiri. Havana kutibata zvakaipa, uye panguva yose iyi yatakanga tinavo musango hatina kurasikirwa nechinhu. Vakanga vari rusvingo kwatiri usiku namasikati nguva yose yatakanga tichifudza makwai edu pedyo navo. Zvino fungisisai izvi muone zvamungaita, nokuti njodzi yadongorera pamusoro patenzi wedu neimba yake yose. Iye munhu akaipa zvokuti hakuna angataura naye.”

1 Samueri 25:2-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino paMaoni pakanga pano munhu, waiva nepfuma yake paKarimeri; munhu uyu wakanga ari mukuru kwazvo, wakanga ana makwai ane zviuru zvitatu, nembudzi dzine chiuru chimwe; iye wakanga achiveura makwai ake paKarimeri. Zita romunhu uyu raiva Nabhari, uye zita romukadzi wake Abhigairi; mukadzi wakanga akangwara, uye wakanga akanaka kumeso; asi murume wakanga ano mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waive weimba yaKarebhi. Zvino Dhavhidhi wakanzwa kurenje kuti Nabhari wakanga achiveura makwai ake. Dhavhidhi akatuma majaya ane gumi, Dhavhidhi akati kumajaya, “Kwirai Karimeri, muende kuna Nabhari, mundomukwazisa nezita rangu. Mugoti kuna iye agere pakati pepfuma yake, ‘Rugare ngaruve nemi, rugare ngaruve neimba yenyu, uye rugare ngaruve pazvinhu zvose zvamunazvo. Zvino ndakanzwa kuti muna vaveuri; vafudzi venyu vaiva nesu zvino, asi hatina kuvatambudza, uye havana kurashikirwa nechinhu nguva yose yavakagara paKarimeri. Bvunzai majaya enyu, vakuudzei; zvino majaya ngaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinouya nezuva rakanaka; ipai henyu varanda venyu nomwanakomana wenyu Dhavhidhi chinhu chipi nechipi chamunacho.’ ” Zvino majaya aDhavhidhi akati asvika, akaudza Nabhari mashoko iwayo ose nezita raDhavhidhi, vakanyarara havo. Ipapo Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi akati, “Dhavhidhi ndianiko? Mazuva ano varanda vazhinji vanotiza vatenzi vavo. Ndingatora zvingwa zvangu, nemvura yangu, nenyama yangu yandakaurayira vaveuri vangu, ndizvipe varume vandisingazivi kuti vanobvekupiko here?” Naizvozvo majaya aDhavhidhi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuudza mashoko iwayo ose. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake;” mumwe nomumwe akasunga munondo wake; naiye Dhavhidhiwo akasunga munondo wake; varume vanenge mazana mana vakatevera Dhavhidhi, vana mazana maviri vakasara panhumbi. Asi mumwe wamajaya wakandoudza Abhigairi, mukadzi waNabhari, akati, “Tarirai, Dhavhidhi wakanga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi wedu; ivo vakavatuka kwazvo. Asi varume avo vaitiitira zvakanaka, hatina kutambudzwa navo; hatina kurashikirwa nechinhu mazuva ose atakafambidzana navo kusango. Vakanga vakaita sorusvingo kwatiri usiku namasikati mazuva ose ataigara navo tichifudza makwai. “Naizvozvo zvino chizivai mufunge zvamungaita, nokuti tenzi wedu navose veimba yake vagara vafungirwa zvakaipa; nokuti munhu wakaisvoipa wakadaro, kuti hakuna munhu ungagona kutaura naye.”

1 Samueri 25:2-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwaiva nomumwewo murume wokuMaoni aiva nebasa rake kuKarimeri, akanga akapfuma kwazvo. Akanga aine zviuru zvitatu zvehwai nechiuru chembudzi. Akanga achiveura hwai dzake kuKarimeri ikoko. Murume iyeye ainzi Nabhari, mudzimai wake achinzi Abhigairi. Aiva mukadzi anonzwisisa ane chimiro chakanaka. Asi murume iyeyo akanga aine mwoyo mukukutu. Aiva wokwaKarebhu. Pakanga Dhavhidhi ari kurenje akanzwa zvichinzi Nabhari ari kuveura hwai dzake kuKarimeri. Akatuma majaya gumi achiti, “Endai kuKarimeri mundondikwazisirawo Nabhari. Muti kwaari zvanzi, ‘Rugare ngaruve nemi. Zvanzi kufara kwamuri imi mose nemhuri yenyu. Makadiiko nezvose zvamunazvo?’ Ndiri kunzwa kuti muri mukuveura zvipfuwo zvenyu. Zvino vafudzi venyu vakanga vanesu kuno, asi hapana chakaipa chatakaita kwavari. Hapana chavakarasikirwa nacho nguva yose iyi yavanga vari kuKarimeri. Kana mukabvunza zvenyu varanda venyu, vanokuudzaiwo izvozvi. Naizvozvo dai mukaitira zvenyu majaya angu ayo tsiye nyoro zvatauyawo kuno zuva guru rakadai. Dai mukawanawo zvimwe zvamunazvo zvamungape varanda venyu neni mwana wenyu Dhavhidhi.” Kuzoti majaya aDhavhidhi asvikako akapira kuna Nabhari zvose izvi achiti tatumwa naDhavhidhi, ndokumira zvavo. Nabhari akapindura varanda vaDhavhidhi achiti, “Dhavhidhi iyeyo ndiani? Chii mwana waJese iyeyo? Kune varanda vazhinji kwazvo mazuva ano vari kutiza vatenzi vavo. Nditore chingwa changu, nemvura yangu, nenyama yandabayira vaveuri vangu, ndichipa zvangu kuvanhu vandisingamboziva kana nokwavanobva here?” Majaya aDhavhidhi akadzokera zvawo akasvikotaurira Dhavhidhi zvose izvozvi. Dhavhidhi akati kuvanhu vake, “Varume, munhu wose ngaapakate bakatwa rake!” Munhu wose akapakata bakatwa rake, Dhavhidhi akapakatawo rake. Mazana mana avanhu akaenda naDhavhidhi, kukasara mazana maviri vakachengeta zvinhu. Asi mumwe muranda akaruma nzeve mudzimai waNabhari, Abhigairi kuti, “Dhavhidhi akatuma nhumwa dzakasvika kuna tenzi wedu dzichibva kurenje kuzovakwazisa, asi ivo vakadzijinyura. Asi mufunge zvenyuka, vanhu ivava vakatiitira zvakanaka kwazvo. Havana chakaipa chavakaita kwatiri. Hapana chatakarasikirwa nacho kumafuro nguva yose iyi yatakanga tiinavo. Vakanga vari rusvingo chairwo kutichengetedza, siku nesikati nguva yose iyi zvayo yatanga tichifudza hwai. Zvino dai mukambopafungawo zvenyu apa muone zvokuita, nokuti tenzi wedu atova munyatwa chaiyo izvozvi pamwechete navanhu vose vemhuri yake. Asi tenzi wedu uyu munhu ane mwoyo wakaipa kwazvo haatiuriki.”

1 Samueri 25:2-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino paMaoni pakaŋga panomunhu, waiʋa nefuma yake paKarmeri; munhu uyu wakaŋga ari mukuru kwaɀo, wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀitatu, nembudzi dzinecuru cimŋe; iye wakaŋga aciʋeʋura makwai ake paKarmeri. Zita romunhu uyu raiʋa Nabari, ʋuye zita romukadzi wake Abigairi; mukadzi wakaŋga akaŋgwara, ʋuye wakaŋga akanaka kumeso; asi murume wakaŋga anomŋoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waiʋa weimba yaKarebi. Ɀino Davidi wakanzwa kurenje kuti Nabari wakaŋga aciʋeʋura makwai ake. Davidi akatuma majaya anegumi, Davidi akati kumajaya: Kwirai Karmeri, muende kunaNabari, mundomukwazisa nezita raŋgu. Mugoti kunaiye ugere pakati pefuma yake: Rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe neimba yenyu, ʋuye rugare ŋgaruʋe paɀinhu ɀose ɀamunaɀo. Ɀino ndakanzwa kuti munaʋaʋeʋuri; ʋafudzi ʋenyu ʋaiʋa nesu ɀino, asi hatina‐kuʋatambudza, ʋuye haʋana‐kurashikirwa necinhu ŋguʋa yose yaʋakagara paKarmeri. Bvunzai majaya enyu, ʋakuʋudzei; ɀino majaya ŋgaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinoʋuya nezuʋa rakanaka; ipai henyu ʋaranda ʋenyu nomŋanakomana wenyu Davidi cinhu cipi necipi camunaco. Ɀino majaya aDavidi akati aȿika, akaʋudza Nabari mashoko iwayo ose nezita raDavidi, ʋakanyarara haʋo. Ipapo Nabari akapindura ʋaranda ʋaDavidi, akati: Davidi ndianiko? Mŋanakomana waJese ndianiko? Mazuʋa ano ʋaranda ʋazhinji ʋanotiza ʋatenzi ʋaʋo. Ndiŋgatora ɀiŋgwa ɀaŋgu, nemvura yaŋgu, nenyama yaŋgu yandakaʋurayira ʋaʋeʋuri ʋaŋgu, ndiɀipe ʋarume ʋandisiŋgaziʋi kuti ʋanobvepiko here? Naiɀoɀo majaya aDavidi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuʋudza mashoko iwayo ose. Davidi akati kuʋanhu ʋake: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋge munondo wake; mumŋe nomumŋe akasuŋga munondo wake; naiye Davidi ʋo akasuŋga munondo wake; ʋarume ʋaneŋge mazana manna ʋakateʋera Davidi, ʋanamazana maʋiri ʋakasara panhumbi. Asi mumŋe wamajaya wakandoʋudza Abigairi, mukadzi waNabari, akati: Tarirai, Davidi wakaŋga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi weɗu; iʋo ʋakaʋatuka kwaɀo. Asi ʋarume aʋo ʋaitiitira ɀakanaka, hatina‐kutambudzwa naʋo; hatina‐kurashikirwa necinhu mazuʋa ose atakafambidzana naʋo kusaŋgo. Ʋakaŋga ʋakaita soruȿiŋgo kwatiri ʋusiku namasikati mazuʋa ose ataigara naʋo ticifudza makwai. Naiɀoɀo ɀino ciziʋai mufuŋge ɀamuŋgaita, nokuti tenzi weɗu naʋose ʋeimba yake ʋagara ʋafuŋgirwa ɀakaipa; nokuti munhu wakaiȿo‐ipa wakaɗaro, kuti hakunomunhu uŋgagona kutaura naye.

1 Samueri 25:2-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)