Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 25:2-17

I Samueri 25:2-17 SUB1949

Ɀino paMaoni pakaŋga panomunhu, waiʋa nefuma yake paKarmeri; munhu uyu wakaŋga ari mukuru kwaɀo, wakaŋga anamakwai aneɀuru ɀitatu, nembudzi dzinecuru cimŋe; iye wakaŋga aciʋeʋura makwai ake paKarmeri. Zita romunhu uyu raiʋa Nabari, ʋuye zita romukadzi wake Abigairi; mukadzi wakaŋga akaŋgwara, ʋuye wakaŋga akanaka kumeso; asi murume wakaŋga anomŋoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake; waiʋa weimba yaKarebi. Ɀino Davidi wakanzwa kurenje kuti Nabari wakaŋga aciʋeʋura makwai ake. Davidi akatuma majaya anegumi, Davidi akati kumajaya: Kwirai Karmeri, muende kunaNabari, mundomukwazisa nezita raŋgu. Mugoti kunaiye ugere pakati pefuma yake: Rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe neimba yenyu, ʋuye rugare ŋgaruʋe paɀinhu ɀose ɀamunaɀo. Ɀino ndakanzwa kuti munaʋaʋeʋuri; ʋafudzi ʋenyu ʋaiʋa nesu ɀino, asi hatina‐kuʋatambudza, ʋuye haʋana‐kurashikirwa necinhu ŋguʋa yose yaʋakagara paKarmeri. Bvunzai majaya enyu, ʋakuʋudzei; ɀino majaya ŋgaanzwirwe tsitsi nemi, nokuti tinoʋuya nezuʋa rakanaka; ipai henyu ʋaranda ʋenyu nomŋanakomana wenyu Davidi cinhu cipi necipi camunaco. Ɀino majaya aDavidi akati aȿika, akaʋudza Nabari mashoko iwayo ose nezita raDavidi, ʋakanyarara haʋo. Ipapo Nabari akapindura ʋaranda ʋaDavidi, akati: Davidi ndianiko? Mŋanakomana waJese ndianiko? Mazuʋa ano ʋaranda ʋazhinji ʋanotiza ʋatenzi ʋaʋo. Ndiŋgatora ɀiŋgwa ɀaŋgu, nemvura yaŋgu, nenyama yaŋgu yandakaʋurayira ʋaʋeʋuri ʋaŋgu, ndiɀipe ʋarume ʋandisiŋgaziʋi kuti ʋanobvepiko here? Naiɀoɀo majaya aDavidi akapinduka hawo, akadzoka, akandomuʋudza mashoko iwayo ose. Davidi akati kuʋanhu ʋake: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋge munondo wake; mumŋe nomumŋe akasuŋga munondo wake; naiye Davidi ʋo akasuŋga munondo wake; ʋarume ʋaneŋge mazana manna ʋakateʋera Davidi, ʋanamazana maʋiri ʋakasara panhumbi. Asi mumŋe wamajaya wakandoʋudza Abigairi, mukadzi waNabari, akati: Tarirai, Davidi wakaŋga atuma nhume, ari kurenje, kundokwazisa tenzi weɗu; iʋo ʋakaʋatuka kwaɀo. Asi ʋarume aʋo ʋaitiitira ɀakanaka, hatina‐kutambudzwa naʋo; hatina‐kurashikirwa necinhu mazuʋa ose atakafambidzana naʋo kusaŋgo. Ʋakaŋga ʋakaita soruȿiŋgo kwatiri ʋusiku namasikati mazuʋa ose ataigara naʋo ticifudza makwai. Naiɀoɀo ɀino ciziʋai mufuŋge ɀamuŋgaita, nokuti tenzi weɗu naʋose ʋeimba yake ʋagara ʋafuŋgirwa ɀakaipa; nokuti munhu wakaiȿo‐ipa wakaɗaro, kuti hakunomunhu uŋgagona kutaura naye.