1 Samueri 14:1-23
1 Samueri 14:1-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiende kumusasa wavarwi vevaFiristia kudivi rimwe iro.” Asi haana kuudza baba vake. Sauro aigara nechokumucheto kweGibhea pasi pomuti womutamba muMigironi. Aiva navarume vanokarosvika mazana matanhatu, pakati pavo pana Ahiya, akanga akapfeka efodhi. Akanga ari mwanakomana womukoma waIkabhodhi, Ahitubhi, mwanakomana waFinehasi, mwanakomana waEri, muprista waJehovha muShiro. Hapana akaziva kuti Jonatani akanga aenda. Kumativi ose omupata waida kuyambukwa naJonatani kuti asvike pamusasa wavaFiristia, kwaiva namawere; mamwe ainzi Bhozezi, mamwe achinzi Sene. Mamwe mawere aiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, mamwe ari zasi kwakadziva kuGebha. Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.” Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.” Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione. Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari. Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwidza, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.” Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.” Varume veboka ravarwi vakadanidzira kuna Jonatani nomubati wake nenhumbi dzokurwa vakati, “Kwirai kuno kwatiri tigokudzidzisai chidzidzo.” Saka Jonatani akati kumubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere; Jehovha avaisa mumaoko avaIsraeri.” Jonatani akakwira achikambaira namaoko namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa ari mumashure make. VaFiristia vakati rakata rakata kuwa pamberi paJonatani, uye mubati wenhumbi dzake dzokurwa akatevera achiuraya mumashure make. Pakurwisa kwokutanga, Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri panzvimbo inenge hafu yeeka. Ipapo kutya kwakabata varwi vose vakanga vari mumusasa nomuminda, navose vakanga vari mumapoka avarwi navapambi, uye pasi pakadengenyeka. Kwakanga kuri kuvhundutswa kwakanga kwatumwa naMwari. Nharirire dzaSauro paGibhea muBhenjamini dzakaona varwi vachinyungudika kumativi ose. Ipapo Sauro akati kuvarume vakanga vanaye, “Verengai varwi muone kuti ndivanaani vasipo pakati pedu.” Vakati vadaro vakaona kuti Jonatani nomubati wake wenhumbi dzokurwa vakanga vasipo. Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neareka yaMwari.” (Panguva iyoyo vaIsraeri ndivo vakanga vanayo.) Sauro achiri kutaura nomuprista, mhirizhonga yakanyanyisa mumusasa wavaFiristia. Saka Sauro akati kumuprista, “Dzosa ruoko rwako.” Ipapo Sauro navanhu vake vose vakaungana vakaenda kundorwa. Vakawana vaFiristia vari mumhirizhonga huru, vachibayana mumwe nomumwe neminondo yavo. VaHebheru vaya vakanga vari kuvaFiristia kare uye vakanga vaenda navo kumusasa wavo vakayambuka vakaenda kuvaIsraeri vakanga vana Sauro naJonatani. VaIsraeri vaya vose vakanga vavanda munyika yezvikomo yeEfuremu pavakanzwa kuti vaFiristia vakanga votiza, vakateverawo muhondo vakavadzingirira zvikuru. Saka Jehovha akarwira vaIsraeri pazuva iro, uye hondo yakaenderera mberi ikandopfuura Bheti Avheni.
1 Samueri 14:1-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko.” Asi haana kuudza baba vake. Sauro wakanga agere pamugumo weGibhea, pasi pomutamba wakanga uri paMigironi; wakanga ana varume vanenge mazana matanhatu naye. Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakanga ari mupristi waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda. Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rimwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene. Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba. Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.” Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, “Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.” Ipapo Jonatani akati, “Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari. Kana vakati kwatiri, ‘Mirai kusvikira tasvika kwamuri,’ ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari. “Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nokuti Mwari wavaisa mumaoko edu;’ ndicho chichava chiratidzo kwatiri.” Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.” Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, “Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu.” Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.” Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya. Zvino pakuuraya uku kwokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda. Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda; nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru. Zvino nharirire dzaSauro paGibhea kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira. Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri.” Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo. Sauro akati kuna Ahija, “Uya pano neareka yaMwari.” Nokuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pavana vaIsiraeri nenguva iyo. Zvino Sauro wakati achataurirana nomupristi, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupristi, “Dzosa ruoko rwako.” Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru. NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira vaIsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani. Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuremu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo. Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.
1 Samueri 14:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake. Izvozvo Sauro akanga achigara kumucheto kweguta reGibhea, munyasi momuti womupomegiraneti kuMigironi aiva navarume vaikaroda kusvika mazana matanhatu avanhu. Abhiya aipfeka hanzu yeefodhi. Abhiya uyu aiva mwanakomana waAhitubhu mukoma nomunun'una naIkabhodhi, mwanakomana waFinehasi mwanakomana waEri mupristi waTenzi wokuShiro. Asi vanhu havana kunge vaziva kuti Jonatani akanga aenda. Zvino pamupata ipapo paida kupfuura napo Jonatani kuti aende kwaiva nechikwata ichi chavarwi vechiFirisitia paiti uku zidombo uku zidombo. Rimwe racho rainzi Bhozezi, rimwewo richinzi Sene. Rimwe racho raiva nechokuchamhembe kwomupata iwoyo kwakatarisana neguta reMikimashi, rimwewo nechokumaodzanyemba kwakatarisana neGebha. Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.” Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.” Jonatani ndokuti, “Chiregai tiende kwavari tindomira pavanotiona. Kana vakatiti, ‘Miraipo, tiuye ikoko,’ isu ticharamba timire patinenge tiri torega kukwira tichienda kwavanenge vari. Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri,’ isu tinobvawo takwirako nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Tenzi atovaisa mumaoko edu.” Ipapo vose vari vaviri vakaenda vakandomira pavaikwanisa kuonekwa nechikwata chiya chavarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Onai onai, vaHebheru vaya vava kudzumbunuka zvino mumakomba mavanga vakahwanda.” Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.” Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.” Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura. Pakuuraya vaFirisitia ikoku kwokutanga kwakaitwa naJonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo uyu kwakafa varume vaikarosvika makumi maviri. Vakaurayirwa pakanzvimbo kanoda kukwana muforo mumwechete. Hondo yose yavaFirisitia yakazengezana kutya. Kwaiti vapamatendhe avo navaiva musango nezvimwe zvikwata zvavarwi nezvevarwi vokundopamba vose vakadedera nokutya. Nyika yakandengendeka, kukava nokutya kukuru kwazvo kwaibva kuna Mwari. Nharirire dzaSauro dzaiva kuGibhea kwaBhenjamini dzakatarisa onei hondo yose yevaFirisitia rangove besanwa kutiza. Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai varwi muone kuti asipo ndiani.” Vakavaverenga, wanei kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo havapo. Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neefodhi nokuti ndiye aitakura efodhi muIsiraeri.” Sauro achitaura nomupristi kudaro bongozozo rokumatendhe evaFirisitia rakabva ratonyanya kwazvo. Sauro akati kumupristi, “Chiregai zvenyu zvamuri kuita.” Sauro navanhu vose vaaiva navo vakaungana vakaenda kundorwa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vachitobayana pachavo, kukaita manyongori akaipisisa kwazvo. Kunyange vamwe vaHebheru vaimbova navaFirisitia vakanga vauyawo navo kuhondo vakapandukira vaFirisitia vakaenda kudivi revaIsiraeri vaiva naSauro naJonatani. Zvino vaIsiraeri vose, varume vakanga vakahwanda munyika yamakomo yaEfuremu vakanzwa zvichinzi vaFirisitia vaya vava mushishi rokutiza, vakabva vapindawo muhondo vakadzingirirana navo kwazvo. Naizvozvo Tenzi akanunura vaIsiraeri zuva iroro. Hondo iyoyi yakarwiwa kudzamara kupfuura kuBhetiavheni.
1 Samueri 14:1-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino rimŋe zuʋa Jonatani mŋanakomana waSauro akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia ʋari mhiri uko. Asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake. Sauro wakaŋga agere pamugumo weGibea, pasi pomutamba wakaŋga uri paMigroni; wakaŋga anaʋarume ʋaneŋge mazana matanhatu naye. Ahija, mŋanakomana waAhitubi, mukuru waIkabodi, mŋanakomana waPinehasi, mŋanakomana waEri, wakaŋga ari muprista waJehova paShiro, akafuka efodi. Ʋanhu ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kuti Jonatani waenda. Ɀino pakati pemipata, Jonatani paakaŋga aciɗa kuyambukira napo mhiri kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia, pakaŋga paneshoŋgwe yebge kurutiʋi rumŋe, neshoŋgwe yebge ɀe kunorumŋe rutiʋi; zita reimŋe rakaŋga riri Bozezi, nezita reimŋe Sene. Shoŋgwe imŋe yakaŋga imire kurutiʋi rwokumsoro pamberi paMikmashi, neimŋe ɀe kurutiʋi rwezasi pamberi peGeba. Ɀino Jonatani akati kujaya raiɓata nhumbi dzake dzokurwa nadzo: Hendei tiyambukire kuɓoka raʋarwi raʋasino‐kudziŋgiswa aʋa; ɀimŋe Jehova ucatiɓatsira, nokuti hakunecinhu ciŋgadziʋisa Jehova kuponesa, kunyaŋge naʋazhinji kana naʋashoma. Ipapo muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari: Itai ɀose ɀamunofuŋga; endai henyu, ini ndine’mi pamunoɗa kuita napo. Ipapo Jonatani akati: Tarira, ticayambukira kuʋarume aʋo, tindoɀiratidza kwaʋari. Kana ʋakati kwatiri: Mirai kuȿikira taȿika kwamuri, ticaramba timire kwatiri, hatiŋgakwiri kwaʋari. Asi kana ʋakati: Kwirai ʋuno kwatiri, ticakwira, nokuti Mŋari waʋaisa mumaʋoko eɗu; ndico cicaʋa ciratidzo kwatiri. Ɀino ʋose ʋari ʋaʋiri ʋakaɀiratidza kuɓoka raʋarwi ʋaʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakati: Tarira, ʋaHeberu ʋoɓuɗa mumakomba maʋakaŋga ʋakaʋanda. Ʋarume ʋeɓoka raʋarwi ʋakapindura Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, ʋakati: Kwirai ʋuno kwatiri, tikuratidzei cinhu. Jonatani akati kumuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo: Kwira unditeʋere, nokuti Jehova waʋaisa mumaʋoko aʋaIsraeri. Jonatani akakwira namaʋoko ake namakumbo ake, muɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo acimuteʋera; iʋo ʋakakundwa naJonatani, nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamuteʋera aciʋuraya. Ɀino pakuʋuraya uku kwokutaŋga, Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo ʋakaʋuraya ʋarume ʋaneŋge makumi maʋiri pahafu yendima yomunda. Ʋanhu, ʋakaŋga ʋari pamisasa, napaminda, naʋanhu ʋose ʋakabvunda; neɓoka raʋarwi, naʋaparadzi, naiʋo ʋakabvunda; nenyika ʋo yakaɗeŋgenyeka; naiɀoɀo kwakaŋga kunokubvunda kukuru. Ɀino nharirire dzaSauro paGibea kwaBenjamini ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka guru raʋanhu ricinyaŋgarika, ricipararira. Ipapo Sauro akati kuʋanhu ʋaakaŋga anaʋo: Ʋereŋgai ɀino, muʋone kuti ndianiko usisi’po kwatiri. Ɀino ʋakati ʋaʋereŋga, ʋakaʋona kuti Jonatani nomuɓati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo haʋa’po. Sauro akati kunaAhija: Ʋuya pano neareka yaMŋari. Nokuti areka yaMŋari yakaŋga iri’po pakati paʋana ʋaIsraeri neŋguʋa iyo. Ɀino Sauro wakati acataurirana nomuprista, ɓopoto rakaŋga riri pamisasa yaʋaFiristia rikaramba ricinyanya. Sauro akati kumuprista: Dzosa ruʋoko rwako. Sauro naʋanhu ʋose ʋaakaŋga anaʋo ʋakaʋuŋgana, ʋakarwa, ʋakawana munondo womumŋe nomumŋe ucirwa neshamŋari yake, kukaʋa nokutambudzika kukuru. NaʋaHeberu, ʋaiɓatsira ʋaFiristia kare, ʋakaŋga ʋakwira naʋo kumisasa ʋaibva kunhiʋi dzose, naiʋo ʋakaʋashandukira, ʋakaɓatsira ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋanaSauro naJonatani. Ɀino ʋarume ʋose ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋakaʋanda kunyika yamakomo yaEfraimi, ʋakati ʋacinzwa kuti ʋaFiristia ʋotiza, naiʋo ʋakaʋateʋera kuzorwa naʋo. Naiɀoɀo Jehova akaponesa ʋaIsraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuʋura napaBeti‐aveni.
1 Samueri 14:1-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)