Mumwe musi Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi vechiFirisitia.” Asi Jonatani haana kuudza baba vake. Izvozvo Sauro akanga achigara kumucheto kweguta reGibhea, munyasi momuti womupomegiraneti kuMigironi aiva navarume vaikaroda kusvika mazana matanhatu avanhu. Abhiya aipfeka hanzu yeefodhi. Abhiya uyu aiva mwanakomana waAhitubhu mukoma nomunun'una naIkabhodhi, mwanakomana waFinehasi mwanakomana waEri mupristi waTenzi wokuShiro. Asi vanhu havana kunge vaziva kuti Jonatani akanga aenda.
Zvino pamupata ipapo paida kupfuura napo Jonatani kuti aende kwaiva nechikwata ichi chavarwi vechiFirisitia paiti uku zidombo uku zidombo. Rimwe racho rainzi Bhozezi, rimwewo richinzi Sene. Rimwe racho raiva nechokuchamhembe kwomupata iwoyo kwakatarisana neguta reMikimashi, rimwewo nechokumaodzanyemba kwakatarisana neGebha.
Jonatani akati kujaya riya raitakura zvombo zvake zvehondo, “Uya tiende kune chikwata chavarwi ava vasina kudzingiswa. Dzimwe nguva Tenzi angawane chaangatiitire nokuti hapana chingarambidze Tenzi kuponesa vanhu achishandisa vanhu vazhinji kana vashoma.”
Uya aitakura zvombo zvake akati, “Itai zvenyu chamunenge mafunga mumwoyo menyu. Kana ndirini ndinemi, zvamunenge mangosarudza nemwoyo wenyu ndozvandinoda.”
Jonatani ndokuti, “Chiregai tiende kwavari tindomira pavanotiona. Kana vakatiti, ‘Miraipo, tiuye ikoko,’ isu ticharamba timire patinenge tiri torega kukwira tichienda kwavanenge vari. Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri,’ isu tinobvawo takwirako nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Tenzi atovaisa mumaoko edu.”
Ipapo vose vari vaviri vakaenda vakandomira pavaikwanisa kuonekwa nechikwata chiya chavarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Onai onai, vaHebheru vaya vava kudzumbunuka zvino mumakomba mavanga vakahwanda.” Varwi vaya vakadaidzira kuna Jonatani nouya aimutakurira zvombo zvake zvehondo vachiti, “Uyai kuno tikudzidzisei.”
Jonatani ndokuti kune wokumutakurira zvombo zvake zvehondo, “Nditevere nokuti Tenzi atovaisa mumaoko eIsiraeri.” Jonatani akakwira achiita zvokukambaira, mutakuri wezvombo zvake zvehondo akati sika-sika mushure kutevera. Jonatani akavarakatisa, mutakuri wezvombo zvake zvehondo achitevera achivapupura. Pakuuraya vaFirisitia ikoku kwokutanga kwakaitwa naJonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo uyu kwakafa varume vaikarosvika makumi maviri. Vakaurayirwa pakanzvimbo kanoda kukwana muforo mumwechete. Hondo yose yavaFirisitia yakazengezana kutya. Kwaiti vapamatendhe avo navaiva musango nezvimwe zvikwata zvavarwi nezvevarwi vokundopamba vose vakadedera nokutya. Nyika yakandengendeka, kukava nokutya kukuru kwazvo kwaibva kuna Mwari.
Nharirire dzaSauro dzaiva kuGibhea kwaBhenjamini dzakatarisa onei hondo yose yevaFirisitia rangove besanwa kutiza. Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai varwi muone kuti asipo ndiani.” Vakavaverenga, wanei kuti Jonatani nomutakuri wezvombo zvake zvehondo havapo. Sauro akati kuna Ahiya, “Uya neefodhi nokuti ndiye aitakura efodhi muIsiraeri.” Sauro achitaura nomupristi kudaro bongozozo rokumatendhe evaFirisitia rakabva ratonyanya kwazvo. Sauro akati kumupristi, “Chiregai zvenyu zvamuri kuita.” Sauro navanhu vose vaaiva navo vakaungana vakaenda kundorwa. Izvozvo vaFirisitia vakanga vachitobayana pachavo, kukaita manyongori akaipisisa kwazvo. Kunyange vamwe vaHebheru vaimbova navaFirisitia vakanga vauyawo navo kuhondo vakapandukira vaFirisitia vakaenda kudivi revaIsiraeri vaiva naSauro naJonatani. Zvino vaIsiraeri vose, varume vakanga vakahwanda munyika yamakomo yaEfuremu vakanzwa zvichinzi vaFirisitia vaya vava mushishi rokutiza, vakabva vapindawo muhondo vakadzingirirana navo kwazvo. Naizvozvo Tenzi akanunura vaIsiraeri zuva iroro. Hondo iyoyi yakarwiwa kudzamara kupfuura kuBhetiavheni.