Zvino rimwe zuva Jonatani mwanakomana waSauro akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi vavaFirisitia vari mhiri uko.” Asi haana kuudza baba vake.
Sauro wakanga agere pamugumo weGibhea, pasi pomutamba wakanga uri paMigironi; wakanga ana varume vanenge mazana matanhatu naye.
Ahija, mwanakomana waAhitubi, mukuru waIkabhodhi, mwanakomana waPinehasi, mwanakomana waEri, wakanga ari mupristi waJehovha paShiro, akafuka efodhi. Vanhu vakanga vasingazivi kuti Jonatani waenda.
Zvino pakati pemipata, Jonatani paakanga achida kuyambukira napo mhiri kuboka ravarwi vavaFirisitia, pakanga paneshongwe yebwe kurutivi rimwe, neshongwe yebwezve kuno rumwe rutivi; zita reimwe rakanga riri Bhozezi, nezita reimwe Sene. Shongwe imwe yakanga imire kurutivi rwokumusoro pamberi paMikimashi, neimwe kurutivi rwezasi pamberi peGeba.
Zvino Jonatani akati kujaya raibata nhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Hendei tiyambukire kuboka ravarwi ravasina kudzingiswa ava; zvimwe Jehovha uchatibatsira, nokuti hakuna chinhu chingadzivisa Jehovha kuponesa, kunyange navazhinji kana navashoma.”
Ipapo mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akati kwaari, “Itai zvose zvamunofunga; endai henyu, ini ndinemi pamunoda kuita napo.”
Ipapo Jonatani akati, “Tarira, tichayambukira kuvarume avo, tindozviratidza kwavari. Kana vakati kwatiri, ‘Mirai kusvikira tasvika kwamuri,’ ticharamba timire kwatiri, hatingakwiri kwavari.
“Asi kana vakati, ‘Kwirai kuno kwatiri, tichakwira, nokuti Mwari wavaisa mumaoko edu;’ ndicho chichava chiratidzo kwatiri.”
Zvino vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi vavaFirisitia. VaFirisitia vakati, “Tarira, vaHebheru vobuda mumakomba mavakanga vakavanda.” Varume veboka ravarwi vakapindura Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, vakati, “Kwirai kuno kwatiri, tikuratidzei chinhu.” Jonatani akati kumubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo, “Kwira unditevere, nokuti Jehovha wavaisa mumaoko avaIsiraeri.” Jonatani akakwira namaoko ake namakumbo ake, mubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo achimutevera; ivo vakakundwa naJonatani, nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo akamutevera achiuraya. Zvino pakuuraya uku kwokutanga, Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo vakauraya varume vanenge makumi maviri pahafu yendima yomunda.
Vanhu, vakanga vari pamisasa, napaminda, navanhu vose vakabvunda; neboka ravarwi, navaparadzi, naivo vakabvunda; nenyikawo yakadengenyeka; naizvozvo kwakanga kunokubvunda kukuru. Zvino nharirire dzaSauro paGibhea kwaBhenjamini vakatarira, vakaona boka guru ravanhu richinyangarika, richipararira.
Ipapo Sauro akati kuvanhu vaakanga anavo, “Verengai zvino, muwone kuti ndianiko usisipo kwatiri.” Zvino vakati vaverenga, vakaona kuti Jonatani nomubati wenhumbi dzake dzokurwa nadzo havapo. Sauro akati kuna Ahija, “Uya pano neareka yaMwari.” Nokuti areka yaMwari yakanga iripo pakati pavana vaIsiraeri nenguva iyo. Zvino Sauro wakati achataurirana nomupristi, bopoto rakanga riri pamisasa yavaFirisitia rikaramba richinyanya. Sauro akati kumupristi, “Dzosa ruoko rwako.” Sauro navanhu vose vaakanga anavo vakaungana, vakarwa, vakawana munondo womumwe nomuwe uchirwa neshamwari yake, kukava nokutambudzika kukuru. NavaHebheru, vaibatsira vaFirisitia kare, vakanga vakwira navo kumisasa vaibva kunhivi dzose, naivo vakavashandukira, vakabatsira vaIsiraeri vakanga vana Sauro naJonatani. Zvino varume vose vaIsiraeri, vakanga vakawanda kunyika yamakomo yaEfuremu, vakati vachinzwa kuti vaFirisitia votiza naivo vakavatevera kuzorwa navo. Naizvozvo Jehovha akaponesa vaIsiraeri nomusi uyo; kurwa kukapfuura napaBhetiaveni.