1 Samueri 12:1-25
1 Samueri 12:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samueri akati kuvaIsraeri vose, “Ndakateerera zvose zvamakataura kwandiri ndikagadza mambo pamusoro penyu. Zvino mava namambo somutungamiri wenyu. Kana ndiri ini, ndakwegura uye ndachena musoro, uye vanakomana vangu vanemi pano. Ndakava mutungamiri wenyu kubvira paudiki hwangu kusvikira zuva ranhasi. Zvino ndiri pano. Chindipupurirai pamberi paJehovha nomuzodziwa wake. Ndeyani hando yandakatora? Ndeyani mbongoro yandakatora? Ndiani wandakanyengera? Ndianiko wandakambodzvinyirira? Ndakagamuchira fufuro kubva muruoko rwaani kuti ndipofumadze meso angu? Kana ndakaita chimwe chaizvozvi, ndichazvigadzirisa.” Vakapindura vachiti, “Hamuna kutinyengera kana kutidzvinyirira. Hamuna kutora kana chinhu kubva muruoko rwomunhu.” Samueri akati kwavari, “Jehovha ndiye chapupu chinokupomerai, uye muzodziwa wake ndiye chapupu zuva ranhasi, kuti hamuna kuwana kana chinhu muruoko rwangu.” Vakati, “Ndiye chapupu.” Ipapo Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye akasarudza Mozisi naAroni akabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti. Naizvozvo zvino chimbomirai nditaure nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu. “Mushure mokunge Jakobho aenda muIjipiti, vakachema kuna Jehovha kuti vabatsirwe, uye Jehovha akatuma Mozisi naAroni, vakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti vakavagarisa munzvimbo ino. “Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo; naizvozvo akavatengesa kuna Sisera, mutungamiri wehondo yaHazori, uye nokumaoko avaFiristia namambo weMoabhu, uyo akavarwisa. Vakachema zvikuru kuna Jehovha vachiti, ‘Takatadza; takasiya Jehovha tikashandira vanaBhaari navaAshitoreti. Asi iye zvino tinunurei kubva mumaoko avavengi vedu, tigokushumirai.’ Ipapo Jehovha akatuma Jerubhi Bhaari, Bharaki, Jefuta naSamueri, uye akakununurai kubva mumaoko avavengi venyu kumativi ose, mukagara zvakanaka. “Asi pamakaona kuti Nahashi mambo wavaAmoni akanga achiuya kuzokurwisai, makati kwandiri, ‘Kwete, tinoda kuti tive namambo anotitonga,’ kunyange zvazvo Jehovha Mwari wenyu akanga ari mambo wenyu. Zvino hoyu mambo wamasarudza, uyo wamakakumbira; tarirai, Jehovha agadza mambo pamusoro penyu. Kana mukatya Jehovha uye mukamushandira nokumuteerera uye mukasamukira mirayiro yake, uye kana imi namambo anotonga pamusoro penyu mukatevera Jehovha Mwari wenyu, zvichava zvakanaka! Asi kana mukasateerera Jehovha, uye kana mukamukira mirayiro yake, ruoko rwake rucharwa nemi, sokurwa kwarwakaita namadzibaba enyu. “Naizvozvo zvino, rambai mumire muone chinhu chikuru ichi chava kuda kuitwa naJehovha pamberi penyu! Haisi nguva yokukohwa gorosi here ino? Ndichadana kuna Jehovha kuti atume kutinhira nemvura. Uye muchaona kuti chinhu chakashata sei chamakaita pamberi paJehovha pamakakumbira kuti mupiwe mambo.” Ipapo Samueri akadana kuna Jehovha uye, nomusi iwoyo, Jehovha akatuma kutinhira nemvura, nokudaro vanhu vose vakamira vakatya Jehovha naSamueri. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu kuti tirege kufa, nokuti pamusoro pezvimwe zvivi zvedu takawedzera chivi chokukumbira mambo.” Samueri akapindura achiti, “Musatya. Makaita zvose zvakaipa izvi; asi musatsauka kubva kuna Jehovha, asi shumirai Jehovha nomwoyo wenyu wose. Musatsaukira kuzvifananidzo zvisina maturo. Hazvina chakanaka chazvingakuitirai, kana kukununurai, nokuti hazvina maturo. Nokuda kwezita rake guru Jehovha haazorambi vanhu vake nokuti Jehovha akafadzwa kuti akuitei vake. Kana ndiri ini, ngazvive kure neni kuti nditadzire Jehovha nokurega kukunyengetererai. Uye ndichakudzidzisai nzira yakanaka uye yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire iye nokutendeka, nomwoyo wenyu wose; rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, imi namambo wenyu muchaparadzwa.”
1 Samueri 12:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Chinzwai munzwe, ndakateerera zvose zvamakanditaurira ndikakugadzirai mambo wokukutongai. Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai. Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.” Ivo vakati, “Hapana chamakatibiridzira. Hamuna kumbotibata zvakaipa, kana kutora chimwe chinhu chomunhu.” Samueri ndokuti kwavari, “Tenzi ndiye achava chapupu kwamuri, muzodzwa wake ari chapupu nhasi uno kuti hapana chomunhu chamaona ndinacho.” Ivowo vakati, “E-e ndiye chapupu.” Samueri akati kuvanhu, “Tenzi ndiye akasarudza Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu munyika yeIjipiti. Saka zvino chimbomirai ndikutsanangurirei pano pana Tenzi zvinhu zvakaitwa naTenzi zvokuvanunura, zvaakaitira imi namadzibaba enyu. Jakobho paakaenda kuIjipiti, madzibaba enyu akazobatwa zvakaipa navaIjipiti vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavatumira Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti akavaunza kuzogara muno. Asi vakazokanganwa Tenzi Mwari wavo, iye akagovati kuche mumaoko aSisera mukuru mukuru wehondo yaJabhini mambo weHazori nomumaoko avaFirisitia nomumaoko amambo weMoabhu vakarwisa madzibaba enyu. Madzibaba enyu akachema kuna Tenzi achiti, ‘Takatadza nokuti takasiyana nemi Tenzi tikanamata vamwe vamwari vanaBhaari nanaAshitaroti. Zvino dai mukachitinunurawo zvenyu mumaoko avavengi vedu tigokunamatai imi.’ Tenzi akatuma Jerubhaari naBharaki kwouya Jefuta neni Samueri vakakununurai mumaoko avavengi venyu vokumativi ose mukagara zvenyu norunyararo. Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu. “Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu. Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.” Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.” Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.”
1 Samueri 12:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Tarirai, ndakaterera mazwi enyu pazvinhu zvose zvamakataura kwandiri, ndikakugadzirirai mambo. Zvino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndachena vhudzi; tarirai, vanakomana vangu vari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva pauduku hwangu kusvikira nhasi. Ndiri pano; chindipupurirai pamberi paJehovha napamberi pomuzodzwa wake, Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mbongoro yake? Ndianiko wandakanyengera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamuchira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso angu nazvo? Ndizive kuti ndikudzoserei izvozvo.” Ivo vakati, “Hamuna kutinyengera, kana kutitambudza; hamuna kugamuchira chinhu kumunhu upi noupi.” Akati kwavari, “Jehovha unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi kuti hamuna kuwana mhosva kwandiri.” Vakati, “Ndiye chapupu.” Zvino Samueri akati kuvanhu, “Jehovha ndiye wakanga agadza Mosesi naAroni, nokubudisa madzibaba enyu panyika yeIjipiti. “Naizvozvo zvino chirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehovha pamusoro pezvose zvakarurama zvamakaitirwa naJehovha, imi namadzibaba enyu. “Nguva yakaenda Jakobho Ijipiti, madzibaba enyu akachema kuna Jehovha, Jehovha akatuma Mosesi naAroni, vakabudisa madzibaba enyu Ijipiti, vakavagarisa pano. Asi vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, iye akavatengesa kuna Sisera, mukuru wehondo yaHazori, nokuna vaFirisitia, nokuna mambo wavaMoabhu, vakarwa navo. Ipapo vakachema kuna Jehovha, vakati, ‘Takatadza, nokuti takasiya Jehovha, tikashumira vaBhaari neAshitaroti; asi zvino tirwirei henyu pamaoko avavengi vedu, tikushumirei.’ Ipapo Jehovha akatuma Jerubhaari, naBhedhani, naJefuta, naSamueri, akakurwirai pamaoko avavengi venyu kunhivi dzose, mukagara zvakanaka. Zvino makati moona Nahashi, mambo wavana vaAmoni, achiuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri, ‘Kwete, tinofanira kubatwa nesuo namambo, kunyange Jehovha Mwari wenyu wakanga ari mambo wenyu.’ “Naizvozvo zvino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehovha wakakugadzirirai mambo. Kana mukatya Jehovha, mukamushumira, mukateerera izwi rake, mukasaramba murayiro waJehovha, mukatevera Jehovha Mwari wenyu, imi naiye mambo anokutongai, muchafara henyu; asi kana musingateereri izwi raJehovha, mukaramba murayiro waJehovha, ruoko rwaJehovha rucharwa nemi, sezvarwakarwa namadzibaba enyu. “Naizvozvo zvino rambai mumire, muwone chinhu ichi chikuru chichaitwa naJehovha pamberi pameso enyu. Hakuzi kuchekwa kwezviyo nhasi here? Ndichadana kuna Jehovha, kuti atume kutinhira nemvura, imi muzive muwone kuti makatadza kwazvo pamberi paJehovha, zvamakazvikumbirira mambo.” Naizvozvo Samueri akadana kuna Jehovha, Jehovha akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; vanhu vose vakatya Jehovha naSamueri kwazvo. Ipapo vanhu vose vakati kuna Samueri, “Nyengetererai henyu varanda venyu kuna Jehovha Mwari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera pazvivi zvedu zvose chinhu ichi chakaipa, kuti takazvikumbirira mambo.” Samueri akati kuvanhu, “Musatya henyu; makaita henyu zvakaipa izvi zvose, asi regai kutsauka pakutevera Jehovha, asi shumirai Jehovha nemwoyo yenyu yose; musatsauka, nokuti kana mukadaro, muchatevera zvinhu zvisina maturo, zvisingabatsiri kana kurwira, nokuti hazvina maturo. Nokuti Jehovha haangasiyi vanhu vake nokuda kwezita rake guru, nokuti Jehovha wakafara nazvo kukuitai imi vanhu vake. Kana ndirini, Mwari ngaandibatsire ndirege kutadzira Jehovha pakurega kukunyengetererai imi, asi ndichakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehovha, mumushumire nezvokwadi nemwoyo yenyu yose, nokuti rangarirai zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. “Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa, muchaparadzwa, imi namambo wenyu.”
1 Samueri 12:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Chinzwai munzwe, ndakateerera zvose zvamakanditaurira ndikakugadzirai mambo wokukutongai. Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai. Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.” Ivo vakati, “Hapana chamakatibiridzira. Hamuna kumbotibata zvakaipa, kana kutora chimwe chinhu chomunhu.” Samueri ndokuti kwavari, “Tenzi ndiye achava chapupu kwamuri, muzodzwa wake ari chapupu nhasi uno kuti hapana chomunhu chamaona ndinacho.” Ivowo vakati, “E-e ndiye chapupu.” Samueri akati kuvanhu, “Tenzi ndiye akasarudza Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu munyika yeIjipiti. Saka zvino chimbomirai ndikutsanangurirei pano pana Tenzi zvinhu zvakaitwa naTenzi zvokuvanunura, zvaakaitira imi namadzibaba enyu. Jakobho paakaenda kuIjipiti, madzibaba enyu akazobatwa zvakaipa navaIjipiti vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavatumira Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti akavaunza kuzogara muno. Asi vakazokanganwa Tenzi Mwari wavo, iye akagovati kuche mumaoko aSisera mukuru mukuru wehondo yaJabhini mambo weHazori nomumaoko avaFirisitia nomumaoko amambo weMoabhu vakarwisa madzibaba enyu. Madzibaba enyu akachema kuna Tenzi achiti, ‘Takatadza nokuti takasiyana nemi Tenzi tikanamata vamwe vamwari vanaBhaari nanaAshitaroti. Zvino dai mukachitinunurawo zvenyu mumaoko avavengi vedu tigokunamatai imi.’ Tenzi akatuma Jerubhaari naBharaki kwouya Jefuta neni Samueri vakakununurai mumaoko avavengi venyu vokumativi ose mukagara zvenyu norunyararo. Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu. “Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu. Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.” Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.” Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.”
1 Samueri 12:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Samueri akati kuʋaIsraeri ʋose: Tarirai, ndakaterera manzwi enyu paɀinhu ɀose ɀamakataura kwandiri, ndikakugadzirai mambo. Ɀino tarirai, mambo wenyu unofamba pamberi penyu; ini ndakwegura, ndacena vudzi; tarirai, ʋanakomana ʋaŋgu ʋari pakati penyu; ini ndakafamba pamberi penyu kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira nhasi. Ndiri pano; cindipupurirai pamberi paJehova napamberi pomuzodzwa wake: Ndianiko wandakatorera nzombe yake? Ndianiko wandakatorera mboŋgoro yake? Ndianiko wandakanyeŋgera? Ndianiko wandakatambudza? Ndianiko wandakagamucira fufuro kwaari, kuti ndipofumadze meso aŋgu naɀo? Ndiziʋe, kuti ndikudzoserei iɀoɀo. Iʋo ʋakati: Hamuna‐kutinyeŋgera, kana kutitambudza; hamuna‐kugamucira cinhu kumunhu upi noupi. Akati kwaʋari: Jehova unokupupurirai, naiye muzodzwa wake unopupura nhasi, kuti hamuna‐kuwana mhoȿa kwandiri. Ʋakati: Ndiye capupu. Ɀino Samueri akati kuʋanhu: Jehova ndiye wakaŋga agadza Mosesi naAroni, nokuɓuɗisa madziɓaɓa enyu panyika yeEgipita. Naiɀoɀo ɀino cirambai mumire, kuti nditaurirane nemi pamberi paJehova pamsoro peɀose ɀakarurama ɀamakaitirwa naJehova, imi namadziɓaɓa enyu. Ŋguʋa yakaenda Jakobo Egipita, madziɓaɓa enyu akacema kunaJehova, Jehova akatuma Mosesi naAroni, ʋakaɓuɗisa madziɓaɓa enyu Egipita, ʋakaʋagarisa pano. Asi ʋakakaŋganwa Jehova Mŋari waʋo, iye akaʋateŋgesa kunaSisera, mukuru wehondo yaHazori, nokunaʋaFiristia, nokunamambo waʋaMoabi, ʋakarwa naʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova, ʋakati: Takatadza, nokuti takasiya Jehova, tikashumira ʋaBaari neAshtaroti; asi ɀino tirwirei henyu pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu, tikushumirei. Ipapo Jehova akatuma Jerubaari, naBedani, naJefta, naSamueri, akakurwirai pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu kunhiʋi dzose, mukagara ɀakanaka. Ɀino makati moʋona Nahashi, mambo waʋana ʋaAmoni, aciʋuya kuzorwa nemi, mukati kwandiri: Kwete, tinofanira kuɓatwa nesu ʋo namambo, kunyaŋge Jehova Mŋari wenyu wakaŋga ari mambo wenyu. Naiɀoɀo ɀino, hoyo mambo wamakatsaura, wamakakumbira; tarirai Jehova wakakugadzirai mambo. Kana mukatya Jehova, mukamushumira, mukaterera inzwi rake, mukasaramba murairo waJehova, mukateʋera Jehova Mŋari wenyu, imi naiye mambo unokuɓatai, mucafara henyu; asi kana musiŋgatereri inzwi raJehova, mukaramba murairo waJehova, ruʋoko rwaJehova rucarwa nemi, seɀarwakarwa namadziɓaɓa enyu. Naiɀoɀo ɀino rambai mumire, muʋone cinhu ici cikuru cicaitwa naJehova pamberi pameso enyu. Hakuzi kucekwa kweɀiyo nhasi here? Ndicaɗana kunaJehova, kuti atume kutinhira nemvura, imi muziʋe muʋone kuti makatadza kwaɀo pamberi paJehova, ɀamakaɀikumbirira mambo. Naiɀoɀo Samueri akaɗana kunaJehova, Jehova akatuma kutinhira nemvura nomusi iwoyo; ʋanhu ʋose ʋakatya Jehova naSamueri kwaɀo. Ipapo ʋanhu ʋose ʋakati kunaSamueri: nyeŋgetererai henyu ʋaranda ʋenyu kunaJehova Mŋari wenyu, tirege kufa, nokuti takawedzera paɀiʋi ɀeɗu ɀose cinhu ici cakaipa, kuti takaɀikumbirira mambo. Samueri akati kuʋanhu: Musatya henyu; makaita henyu ɀakaipa iɀi ɀose, asi regai kutsauka pakuteʋera Jehova, asi shumirai Jehova nemŋoyo yenyu yose; musatsauka, nokuti kana mukaɗaro, mucateʋera ɀinhu ɀisinamaturo, ɀisiŋgaɓatsiri kana kurwira, nokuti haɀinamaturo. Nokuti Jehova haaŋgasiyi ʋanhu ʋake nokuɗa kwezita rake guru, nokuti Jehova wakafara naɀo kukuitai imi ʋanhu ʋake. Kana ndirini, Mŋari ŋgaandiɓatsire ndirege kutadzira Jehova pakurega kukunyeŋgetererai imi, asi ndicakudzidzisai nzira yakanaka yakarurama. Asi ityai Jehova, mumushumire neɀokwaɗi nemŋoyo yenyu yose, nokuti raŋgarirai ɀinhu ɀikuru ɀaakakuitirai. Asi kana mukaramba muciita ɀakaipa, mucaparadzwa, imi namambo wenyu.