1 Samueri 12
12
Mashoko aSamueri okuonekedzana navanhu
1Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Chinzwai munzwe, ndakateerera zvose zvamakanditaurira ndikakugadzirai mambo wokukutongai. 2Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai. 3Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.”
4Ivo vakati, “Hapana chamakatibiridzira. Hamuna kumbotibata zvakaipa, kana kutora chimwe chinhu chomunhu.”
5Samueri ndokuti kwavari, “Tenzi ndiye achava chapupu kwamuri, muzodzwa wake ari chapupu nhasi uno kuti hapana chomunhu chamaona ndinacho.” Ivowo vakati, “E-e ndiye chapupu.”
6Samueri akati kuvanhu, “Tenzi ndiye#12:6 Tenzi ndiye: muchiGiriki munoti Tenzi ndiye chapupu. akasarudza Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu munyika yeIjipiti. 7Saka zvino chimbomirai ndikutsanangurirei pano pana Tenzi zvinhu zvakaitwa naTenzi zvokuvanunura, zvaakaitira imi namadzibaba enyu. 8Jakobho paakaenda kuIjipiti, madzibaba enyu akazobatwa zvakaipa navaIjipiti#12:8 Akazobatwa zvakaipa navaIjipiti: muchiHebheru hamuna asi ari muchiGiriki. vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavatumira Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti akavaunza kuzogara muno. 9Asi vakazokanganwa Tenzi Mwari wavo, iye akagovati kuche mumaoko aSisera mukuru mukuru wehondo yaJabhini mambo weHazori nomumaoko avaFirisitia nomumaoko amambo weMoabhu vakarwisa madzibaba enyu. 10Madzibaba enyu akachema kuna Tenzi achiti, ‘Takatadza nokuti takasiyana nemi Tenzi tikanamata vamwe vamwari vanaBhaari nanaAshitaroti. Zvino dai mukachitinunurawo zvenyu mumaoko avavengi vedu tigokunamatai imi.’ 11Tenzi akatuma Jerubhaari#12:11 Jerubhaari: ndiye Gidheoni pano apa chinoti Bhedhani. naBharaki#12:11 Bharaki: chiHebheru pano apa chinoti Bhedhani. kwouya Jefuta neni Samueri vakakununurai mumaoko avavengi venyu vokumativi ose mukagara zvenyu norunyararo. 12Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu.
13“Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. 14Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. 15Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu.#12:15 Sezvaakaita madzibaba enyu: mamwe maBhaibhiri anoti imi namadzibaba enyu. 16Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. 17Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.”
18Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. 19Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.”
20Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, 21murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. 22Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. 23Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. 24Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. 25Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Samueri 12: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.