Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 12:1-25

1 Samueri 12:1-25 SCLBD

Samueri akati kuvaIsiraeri vose, “Chinzwai munzwe, ndakateerera zvose zvamakanditaurira ndikakugadzirai mambo wokukutongai. Zvino chinzwai, mambo ndiye ava kukutungamirirai. Ini ndakwegura, ndachena musoro, muri kungozvionerawo navana vangu vari mukati menyu. Kubvira ndichiri jaya kusvikira pari nhasi, ndanga ndichikutungamirirai. Ini ndiri pano wandakatadzira ngaareve pachena pano pana Tenzi nomuzodzwa wake. Pane wandakatorera mombe yake here? Aripo here wandakatorera dhongi rake? Pane wandakabiridzira here? Ndiani akambobatwa zvakaipa neni? Aripo here ane pfumbamuromo yake yandakagamuchira kuzvipofomadza zvangu meso nayo? Kana aripo ngaandiudze pachena, ndinoda kuzviripa.” Ivo vakati, “Hapana chamakatibiridzira. Hamuna kumbotibata zvakaipa, kana kutora chimwe chinhu chomunhu.” Samueri ndokuti kwavari, “Tenzi ndiye achava chapupu kwamuri, muzodzwa wake ari chapupu nhasi uno kuti hapana chomunhu chamaona ndinacho.” Ivowo vakati, “E-e ndiye chapupu.” Samueri akati kuvanhu, “Tenzi ndiye akasarudza Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu munyika yeIjipiti. Saka zvino chimbomirai ndikutsanangurirei pano pana Tenzi zvinhu zvakaitwa naTenzi zvokuvanunura, zvaakaitira imi namadzibaba enyu. Jakobho paakaenda kuIjipiti, madzibaba enyu akazobatwa zvakaipa navaIjipiti vakazochema kuna Tenzi. Tenzi akavatumira Mosesi naAroni vakaburitsa madzibaba enyu muIjipiti akavaunza kuzogara muno. Asi vakazokanganwa Tenzi Mwari wavo, iye akagovati kuche mumaoko aSisera mukuru mukuru wehondo yaJabhini mambo weHazori nomumaoko avaFirisitia nomumaoko amambo weMoabhu vakarwisa madzibaba enyu. Madzibaba enyu akachema kuna Tenzi achiti, ‘Takatadza nokuti takasiyana nemi Tenzi tikanamata vamwe vamwari vanaBhaari nanaAshitaroti. Zvino dai mukachitinunurawo zvenyu mumaoko avavengi vedu tigokunamatai imi.’ Tenzi akatuma Jerubhaari naBharaki kwouya Jefuta neni Samueri vakakununurai mumaoko avavengi venyu vokumativi ose mukagara zvenyu norunyararo. Asi pamakaona kuti Nahashi, mambo wevaAmoni auya kuzokurwisai makanditi, ‘Chatava kuda apa kutongwawo namambo, hapana chimwe,’ asi Tenzi ari iye mambo wenyu. “Zvino mambo wamakada ndiyeyu, wamakakumbira. Chionaika Tenzi agadza mambo wokukutongai. Kana mukatya Tenzi muchimunamata nokumuteerera musingarambe kuchengeta mitemo yaTenzi, kana imi mose namambo anokutongai mukati kwati naTenzi Mwari wenyu, zvichakunakirai. Asi kana mukarega kuteerera Tenzi, moramba zvenyu kuchengeta mitemo yaiye Tenzi, iye Tenzi noruoko rwake achakurangai neshamhu yake sezvaakaita madzibaba enyu. Zvino chimbomirai zvenyu muone chimwe chinhu chikuru chichaitwa naTenzi imi muchiona. Handiti iye zvino chirimo ichi nguva yokukohwa koroni? Ndichakumbira Tenzi kuti anayise mvura ine mabhanan'ana. Ndopamuchaziva mugoonawo kuti makaita chinhu chakaipa kwazvo pana Tenzi zvamakakumbira kuti munodawo mambo wenyu pachenyu.” Samueri akabva anamata kuna Tenzi. Tenzi ndokunayisa mvura ine mabhanan'ana zuva rakarero. Vanhu vose vakatya Tenzi naSamueri zvikuru kwazvo. Vanhu vose vakati kuna Samueri, “Tinamatireiwo isu varanda venyu kuna Tenzi Mwari wenyu kuti tirege kufa nokuti nokuzvikumbirira kwatakaita mambo isu takatopamhidzira uipi pane zvimwe zvitadzo zvedu zvose.” Samueri akati kuvanhu, “Chiregai kunge muchatya. Kutadza kwose uku makatotadza kare. Asi chavapo ndechichi, chiregai kunge muchatsaukana naTenzi. Chinamatai Tenzi nomwoyo wenyu wose, murege kutsauka nokuti kudaro kutevera zvifananidzo zvisina maturo, zvisingabatsire, zvisinganunure nokuti hazvina kana chazvinazvo mazviri. Chandinodariro ndechichi chokuti Tenzi haamborasa vanhu vake pamusana pezita rake guru nokuti chido chake zvake Tenzi kuti akuitei vanhu vake pachake. Uyewo kana ndiri ini hazvimbofa zvakaitika kuti nditadzire Tenzi nechitadzo chokurega kukunamatirai, ndichikudzidzisai zvakanaka zvakarurama. Chenyu imi, kutya Tenzi, mumunamate nomwoyo wose, makatendeka nokuti munofanira kuyeuka zvinhu zvikuru zvaakakuitirai. Asi kana mukaramba muchiita zvakaipa muchaparadzwa mose iyemi pamwechete namambo wenyu.”