Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10:17-25

1 Samueri 10:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Samueri akakokera kuti vanhu vaungane kuna Tenzi kuMizipa akataurira vaIsiraeri achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti ndikakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko amadzimambo ose aikubatai zvakaipa.’ Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.” Samueri paakapinza madzinza ose avaIsiraeri mudariro, dzinza rokwaBhenjamini ndorakabva rabatwa nechin'ange. Vakazopinza dzinza rokwaBhenjamini mudariro imba nemba, imba yokwaMatiri ikabatwa nechin'ange. Vakazopinza vemba yokwaMatiri mudariro mumwechete mumwechete, chin'ange chikabata Sauro mwanakomana waKishi. Asi zvino pavakati vamutsvake vakamushaya. Saka vakabvunzazve kuna Tenzi vachiti, “Ko munhu iyeyo ambouya here?” Tenzi ndokupindura achiti, “Ehe auya. Akahwanda zvake mukati memikwende.” Vakamhanya vakandomutora ikoko. Paakamira pakati pavanhu akanga akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete make. Samueri akati kuvanhu vose, “Mamuonaka munhu akasarudzwa naTenzi? Hakuna mumwe angaenzaniswe naye.” Vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Mambo! Hekani waro, ngazvigare zvakadaro!” Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo.

1 Samueri 10:17-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)