Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 10:17-25

I Samueri 10:17-25 SUB1949

Ɀino Samueri akakoka ʋanhu kunaJehova paMizpa, akati kuʋana ʋaIsraeri: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Ndakaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri paEgipita, ndikakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko amadzimambo ose aikuremedzai; asi nhasi maramba Mŋari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari: Kwete, asi tigadzire mambo uŋgatiɓata. Naiɀoɀo ɀino ʋuŋganai pamberi paJehova namarudzi enyu ʋuye neɀuru ɀenyu. Naiɀoɀo Samueri akasweɗedza marudzi ose aIsraeri, rudzi rwaBenjamini rukaɓatwa. Akasweɗedza rudzi rwaBenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatri ikaɓatwa; ipapo Sauro mŋanakomana waKishi akaɓatwa; asi ʋakati ʋomutȿaka, akashaikwa. Naiɀoɀo ʋakabvunza ɀe Jehova, ʋakati: Iye munhu uri pano here? Jehova akapindura, akati: Tarirai, waʋanda pakati penhumbi. Ipapo ʋakamhanya ʋakamutora’po; ɀino wakati amira pakati paʋanhu, akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake. Samueri akati kuʋanhu ʋose: Munoʋona wakatsaurwa naJehova, kuti hakuna‐wakafanana naye pakati paʋanhu ʋose here? Ʋanhu ʋose ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Mambo ŋgaararame. Ɀino Samueri akaʋudza ʋanhu tsika dzoʋushe, akadzinyora mubuku, akaɀiceŋgeta pamberi paJehova. Samueri akaendisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe kumba kwake.