Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10:17-25

1 Samueri 10:17-25 SNA2002

Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa, akati kuvana vaIsiraeri, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakabudisa vana vaIsiraeri paIjipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai; asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,’ mukati kwaari, ‘Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.’ Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.” Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa. Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa. Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, “Iye munhu ari pano here?” Jehovha akapindura, akati, “Tarirai; wavanda pakati penhumbi.” Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake. Samueri akati kuvanhu vose, “Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here?” Vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame.” Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake.