Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10

10
1Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake?
2“Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,’ vachiti ‘Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?’ 3Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini; 4ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo. 5Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita;
6“Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu. 7Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe. 8Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.” 9Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe mwoyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo.
10Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo. 11Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, “Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?” 12Zvino mumwe wapo akapindura, akati, “Baba vavo ndianiko?” Naizvozvo yakazova shumo kuti, “Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?” 13Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira.
14Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, “Makanga maendepiko?” Akati, “Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.”
15Babamunini vaSauro vakati, “Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.” 16Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, “Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo.” Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri.
17Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa, 18akati kuvana vaIsiraeri, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakabudisa vana vaIsiraeri paIjipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai; 19asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,’ mukati kwaari, ‘Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.’ Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.”
20Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa.
21Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa. 22Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, “Iye munhu ari pano here?” Jehovha akapindura, akati, “Tarirai; wavanda pakati penhumbi.” 23Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake.
24Samueri akati kuvanhu vose, “Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here?” Vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame.”
25Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake. 26NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhea, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa mwoyo yavo naMwari vakaendawo naye. 27Asi vamwe vakaisvoipa vakati, “Munhu uyu ungatiponesa seiko?” Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 10: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda