1 Madzimambo 17:7-16
1 Madzimambo 17:7-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure menguva yakati, rukova rwakapwa nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. Zvino shoko raJehovha rakauya kwaari richiti, “Simuka izvozvi uende kuZarefati kunyika yeSidhoni undogarako. Ndarayira chirikadzi iri munzvimbo iyoyo kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo akaenda kuZarefati. Paakasvika pasuo reguta, chirikadzi yakanga iripo ichitsvaga huni. Akamudana akamubvunza akati, “Mungandivigirawo mvura shoma shoma mumukombe here kuti ndinwe?” Paakanga ava kuenda kundoitora, iye akadanidzira akati, “Mundivigirewo chimedu chechingwa, ndapota.” Iye akapindura akati, “Zvirokwazvo naJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa. Ndinongova netufurawu tushoma shoma muhari namafuta mashoma shoma muhari. Ndiri kunhonga huni shoma shoma kuti ndiende nadzo kumba ndinozvibikira kudya ini nomwanakomana wangu, kuti tigodya, tife hedu.” Eria akati kwaari, “Usatya. Enda kumba undoita sezvawareva. Asi tanga wandibikira chingwa chiduku pane zvaunazvo ugouya nacho kwandiri, mushure ugozvigadzirira iwe nomwanakomana wako. Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Furawu iri muhari imomo haizoperi uye mafuta ari muhari haazoperi kusvikira zuva iro richanayiswa mvura panyika naJehovha.’ ” Akaenda akandoita sezvaakanga audzwa naEria. Saka zvokudya zvaEria zvakavapo mazuva ose uyewo nezvomukadzi nemhuri yake. Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.
1 Madzimambo 17:7-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nguva yakati yapfuura rukova rukapwa, nokuti mvura yakanga isinganayi panyika. Zvino shoko raJehovha rikasvika kwaari, richiti, “Simuka, uende Zarefati panyika yeZidhoni, ugarepo; tarira, ndaraira chirikadzi igerepo, kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati asvika pasuo reguta, akaona chirikadzi yakanga igerepo, ichiunganidza tutsotso; akamudana, akati, “Nditorerewo mvura shomanene mumukombe, ndinwe.” Zvino wakati achienda kuzoitora, akamudana, akati, “Dondivigirawo chimedu chechingwa muruoko rwako.” Iye akati, “NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina chingwa, asi tsama imwe youpfu mudende, namafuta mashomanene muchinu; tarirai, ndakanga ndichiunganidza tutsotso tuviri, ndichiti ndoenda ndizvigadzirire ini nomwanakomana wangu, tidye, tife hedu.” Ipapo Eria akati kwaari, “Usatya hako, enda undoita chingwa chiduku, undivigire icho, ugozviitira iwe nomwanakomana wako pashure. “Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Upfu huri mudende haungaperi, namafuta ari muchinu haangashaikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanaisa naro mvura panyika.’ ” Iye akaenda, akandoita sezvakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, vakadya mazuva mazhinji. Upfu hwakanga huri mudende hauna kupera, namafuta akanga ari muchinu haana kushaikwa, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waEria.
1 Madzimambo 17:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati perei chinguva kakova aka kakabva kapwa nokuti munyika umu makanga musisanayi mvura. Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, “Chisimuka uende kuZarefati guta rokuSidhoni ugareko. Ndakaudza imwe chirikadzi ikoko kuti ikupe zvokudya.” Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.” Mudzimai uyu paakanga oenda kundoitora, Eriya akadaidzira kwaari achiti, “Mundiigirewo chimedu chechingwa mumaoko.” Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.” Eriya akamuti, “Musatye zvenyu Endai zvenyu muite zvamareva, asi tangai mandigadzirira kachingwa paupfu ihwohwo mundiigirewo kuno mozoti mozvibikirawo imi nomwana wenyu, nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ” Akaenda akandoita zvakanga zvataurwa naEriya, mudzimai uyu nevemba yake naEriya vakadya kwamazuva mazhinji. Upfu hwomumudziyo muya hauna kumbopera, mafutawo, muguchu muya haana kukwenguka sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya.
1 Madzimambo 17:7-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura rukoʋa rukapxa, nokuti mvura yakaŋga isiŋgani panyika. Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti: Simuka, uende Zarefati panyika yeZidoni, ugare’po; tarira, ndaraira cirikadzi igere’po, kuti ikupe ɀokudya. Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe. Ɀino wakati acienda kuzoitora, akamuɗana, akati: Ƌondiʋigira ʋo cimeɗu ceciŋgwa muruʋoko rwako. Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu. Ipapo Eria akati kwaari: Usatya hako, enda undoita seɀandataura; asi cimbondiitira ini ciŋgwa ciɗuku, undiʋigire ico, ugoɀiitira iwe nomŋanakomana wako pashure. Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋupfu bguri muɗende habguŋgaperi, namafuta ari mucinu haaŋgashaikwi, kuȿikira pazuʋa Jehova raacanisa naro mvura panyika. Iye akaenda, akandoita seɀakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, ʋakadya mazuʋa mazhinji. Ʋupfu bgakaŋga bguri muɗende habguna‐kupera, namafuta akaŋga ari mucinu haana‐kushaikwa, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waEria.
1 Madzimambo 17:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)