Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura rukoʋa rukapxa, nokuti mvura yakaŋga isiŋgani panyika.
Ɀino shoko raJehova rikaȿika kwaari, riciti: Simuka, uende Zarefati panyika yeZidoni, ugare’po; tarira, ndaraira cirikadzi igere’po, kuti ikupe ɀokudya. Naiɀoɀo akasimuka, akaenda Zarefati; wakati aȿika pasuʋo reguta, akaʋona cirikadzi yakaŋga igere’po, iciʋuŋganidza ʋutsotso; akamuɗana, akati: Nditorere ʋo mvura shomanene mumukombe, ndinwe. Ɀino wakati acienda kuzoitora, akamuɗana, akati: Ƌondiʋigira ʋo cimeɗu ceciŋgwa muruʋoko rwako. Iye akati: NaJehova Mŋari wenyu mupenyu, handineciŋgwa, asi tsama imŋe yoʋupfu muɗende, namafuta mashomanene mucinu; tarirai, ndakaŋga ndiciʋuŋganidza ʋutsotso ʋuʋiri, ndiciti ndoenda ndiɀigadzirire ini nomŋanakomana waŋgu, tidye, tife heɗu. Ipapo Eria akati kwaari: Usatya hako, enda undoita seɀandataura; asi cimbondiitira ini ciŋgwa ciɗuku, undiʋigire ico, ugoɀiitira iwe nomŋanakomana wako pashure. Nokuti ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋupfu bguri muɗende habguŋgaperi, namafuta ari mucinu haaŋgashaikwi, kuȿikira pazuʋa Jehova raacanisa naro mvura panyika. Iye akaenda, akandoita seɀakataura Eria; iye mukadzi, naiye Eria, neimba yake, ʋakadya mazuʋa mazhinji. Ʋupfu bgakaŋga bguri muɗende habguna‐kupera, namafuta akaŋga ari mucinu haana‐kushaikwa, seɀakaŋga ɀarebga naJehova nomuromo waEria.