1 Madzimambo 17
17
V: NHOROONDO YEZVAERIYA MUPOROFITA
A: KUSHAIKWA KWEMVURA
1Mumwe mugari wokuTishibhi kuGireadhi anonzi Eriya akati kuna Ahabhu, “Ndinopika naTenzi chaiye mupenyu, Mwari weIsiraeri wandinonamata kuti hakuchaita dova kana kunaya zvako makore ano kusatoti ndataura.”
2Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, 3“Chibva pano unange kumabvazuva unohwanda kukakova keKeriti kumabvazuva kweJorodhani. 4Mukakova ikako ndimo mauchanwa mvura. Ndaudza makunguwo kuti apote achikupa chokudya ikoko.”
5Saizvozvo akaenda akaita sokutaura kwakanga kwaitwa naTenzi. Akandogarawo kukakova keKeriti kari kumabvazuva kwaJorodhani. 6Makunguwo aimuigira chingwa nenyama kumangwanani, kumauro achimuigirawo chingwa, achinwa mvura mukakova kacho. 7Kwakati perei chinguva kakova aka kakabva kapwa nokuti munyika umu makanga musisanayi mvura.
Muporofita Eriya nechirikadzi yokuZarefati
8Shoko raTenzi rakauya kwaari rikati, 9“Chisimuka uende kuZarefati guta rokuSidhoni ugareko. Ndakaudza imwe chirikadzi ikoko kuti ikupe zvokudya.” 10Naizvozvo Eriya akasimuka akaenda Zarefati akasvika pasuo guru reguta iri wanei pane chirikadzi ichitsvaka huni. Akadaidzira kwairi achiti, “Ndiigireiwo tumvura mumudziyo ndingonwawo.” 11Mudzimai uyu paakanga oenda kundoitora, Eriya akadaidzira kwaari achiti, “Mundiigirewo chimedu chechingwa mumaoko.”
12Mudzimai akati, “NaTenzi chaiye, Mwari wenyu mupenyu hakuna chandati ndabika. Chiriko, katsama bedzi koupfu mumudziyo notumafuta tushomanana muguchu. Chandiri kungoita, kunonga-nonga tukuni utwu kuti ndizondobikira ini nomwana wangu mukomana tidye tichifa zvedu.”
13Eriya akamuti, “Musatye zvenyu Endai zvenyu muite zvamareva, asi tangai mandigadzirira kachingwa paupfu ihwohwo mundiigirewo kuno mozoti mozvibikirawo imi nomwana wenyu, 14nokuti zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Upfu hwomumudziyo iwoyo hauchambopera uye mafuta omuguchu racho haachambokwengurwa kusvikira musi uchanayiswa mvura naTenzi panyika.’ ”
15Akaenda akandoita zvakanga zvataurwa naEriya, mudzimai uyu nevemba yake naEriya vakadya kwamazuva mazhinji. 16Upfu hwomumudziyo muya hauna kumbopera, mafutawo, muguchu muya haana kukwenguka sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nomuromo waEriya.
Mwana wechirikadzi akafa akamutswa naEriya
17Zvakazoitikawo kuti mushure maizvozvi mukomana uya mwana womudzimai uya muridzi wemba, akarwara. Chirwere chake chakakura zvokuti upenyu pakanga pasisina. 18Mudzimai uyu akati kuna Eriya, “Ko chandakakutadzirai chiiko nhai, munhu waMwari? Heya kuuya kwenyu kwandiri kwaiva kwokuti uipi hwangu huyeukwe nhai nokuurayisa mwana wangu!”
19Eriya akamuti, “Ndipei kuno mwana wenyu.” Eriya akamutora mumaoko avo ndokumutakura oenda naye kumba yapamusoro maaigara akamuradzika pamubhedha wake chaiwo. 20Akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu, mungauyise here chokwadi nhamo yakadai kunyange kuchirikadzi yandigere nayo nokuuraya mwanakomana wayo?” 21Akazvambarara pamusoro pomwana katatu achichema kuna Tenzi achiti, “Nhai Tenzi, Mwari wangu itai waro kuti mweya womwana uyu udzokere maari.” 22Tenzi akanzwa chichemo chaEriya, mweya womwana wakadzokera mumwana uyu. Nokudaro akava mupenyu pakare.
23Eriya akatora mwana ndokuburuka naye mumba yapamusoro iya opinda mumba, akamupa kuna amai vake. Eriya ndokuti, “Hoyuka mwana wenyu, ava mupenyu.”
24Mudzimai uyu ndokuti kuna Eriya “Ndazoziva zvino kuti muri munhu waMwari uyewo kuti shoko raTenzi ramunotaura nomuromo wenyu nderechokwadi.”
Zvasarudzwa nguva ino
1 Madzimambo 17: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.