1 Johani 2:3-29
1 Johani 2:3-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari. Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari: Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo. Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi. Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
1 Johani 2:3-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari; asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye. Vadikanwi, handikunyorerei murayiro mutsva, asi murayiro wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamwezve ndinokunyorerai murayiro mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera. Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino. Anoda hama yake, anogara muchiedza, hapana chigumbuso maari. Asi anovenga hama yake, ari murima, anofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba. Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi. Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu anouya, nazvino vanaantikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu. Imi munokuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, munoziva mose. Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi. Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, anoramba Baba noMwanakomana. Ani naani anoramba Mwanakomana, naiye haana Babawo. Kana murimi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri. Kana izvo zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, nemiwo muchagara muMwanakomana, nomuna Baba. Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndihwo upenyu husingaperi. Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari. Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
1 Johani 2:3-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinoratidza kuti tinomuziva, kuchengeta mitemo yake. Munhu anoti ndinomuziva iye asingachengeti mitemo yake, munyepi uye chokwadi hachisi maari. Asi anochengeta shoko rake, maari rudo rwaMwari runobva rwanyatsozadzikiswa. Izvozvo ndizvo zvinobva zvatiratidza kuti takabatana naye. Munhu anoti ndinogara ndakabatana naye, anofanira kutevedzawo nzira yaakafamba nayo. Vadikanwi, handisi kukunyorerai mutemo mutsva asi mutemo wapasi chigare, wamaingova nawo kubva pakutanga. Mutemo wakare uya ndiwo shoko ramakanzwa. Kunyange zvakadaro zvazvo asi ini ndiri kukunyorerai zvakare mutemo mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uyewo mamuri, nokuti rima riri kupfuura, chiedza chechokwadi chava kutopenya. Munhu anoti ndiri muchiedza asi iye achivenga hama yake, achiri murima. Anoda hama yake ari muchiedza; machiri hamuna chinomugumbura. Asi munhu anovenga hama yake, ari murima uye ari kufamba murima uyewo haasi kuziva kwaari kuenda, nokuti rima rakamupofomadza maziso. Ndiri kukunyorerai vanangu, nokuti zvitadzo zvenyu zvakaregererwa muzita rake. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munomuziva iye akanga aripo kubvira pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechiduku nokuti makakunda muipi. Ndiri kukunyorerai imi vana nokuti munoziva baba. Ndiri kukunyorerai imi madzibaba nokuti munoziva iye akanga ari pakutanga. Ndiri kukunyorerai imi vechidiki nokuti makasimba uye nokuti izwi raMwari rinogara mamuri uyezve nokuti makakunda muipi. Usatorwe mwoyo nenyika kana nezvinhu zvenyika. Kana munhu akada nyika kuda Baba hakumo maari nokuti zvose zviri panyika zvinoti: ruchiva rwenyama nemesomeso, kana kuzvikudza paupenyu, hazvibvi kuna Baba, zvinobva kunyika. Nyika iri kupfuura pamwechete nehavi dzayo asi uyo anoita kuda kwaMwari anogara nokusingaperi. Vanangu, ino yava nguva yokupedzisira uye sokunzwa kwamakaita kuti mhandu yaKristu iri kuuya, saizvozvowo parizvino mhandu zhinji dzaKristu dzakatouya. Naizvozvo tinoziva kuti ino yava nguva yokupedzisira. Vakabva mukati medu, asi vakanga vasiri vamwe vedu nokuti dai vakanga vari vedu, vangadai vakaramba vanesu. Asi vakabva mukati medu kuti zvibude pachena kuti, vose zvavo, havasi vedu. Asi imi makazodzwa naiye Mutsvene imi mose munozviziva. Ndinokunyorerai, kwete, nokuti hamuzivi chokwadi asi nokuti munochiziva uye nokuti hakuna manyepo anobva muchokwadi. Ndiani munyepi? Kusiya uyo anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Iyeyo ndiyo mhandu yaKristu nokuti anoramba Baba naMwanakomana. Wose anoramba Mwanakomana, Baba haanavowo. Wosewo anobvuma Mwanakomana, Baba anavowo. Regai zvamakanzwa pakutanga zvirambe zviri mamuri. Kana zvamakanzwa kubvira pakutanga zvikaramba zviri mamuri ipapo imi mucharamba muina Mwanakomana uye muina Babawo. Upenyu husingaperi ndicho chitsidzo chaakatitsidzira. Ndiri kukunyorerai izvi nezvevavo vangakunyengedzei. Mweya Mutsvene wamakazodzwa naye, anoramba ari mamuri. Hazvichisina basa kwamuri kuti muve neanokudzidzisai, nokuti iye wamakazodzwa naye anokudzidzisai uye ndewechokwadi ari pachokwadi haarevi nhema sokukudzidzisai kwaakakuitai, rambai muinaye. Zvino vanangu, garai makabatana naye kuti kana iye ozviratidza tive nechivimbo. Tirege kunyara pakuuya kwake. Kana muchiziva kuti iye akarurama munofanira kunyatsoziva kuti munhu wose anoita zvakanaka akaberekwa naye.
1 Johani 2:3-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye. Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera. Uyo, unoti, ndiri muciedza, aciʋeŋga hama yake, uciri murima kuȿikira ɀino. Unoɗa hama yake, unogara muciedza, hapanecigumbuso maari. Asi unoʋeŋga hama yake, uri murima, unofamba murima haaziʋi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake. Ndinokunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndinokunyorerai, majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti munoziʋa Ƃaɓa. Ndakunyorerai, madziɓaɓa, nokuti munoziʋa iye wakaŋga ari’po kubva pakutaŋga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti munesimba, neshoko raMŋari rinogara mamuri, makakunda wakaipa. Musaɗa nyika kunyaŋge neɀinhu ɀiri munyika. Kana munhu aciɗa nyika, ruɗo rwaƂaɓa haruzi maari. Nokuti ɀose ɀiri munyika, ɀinoti, kuciʋa kwenyama, nokuciʋa kwameso, nokuɀikudza kwoʋupenyu, haɀibvi kunaƂaɓa, asi panyika. Nyika inopfuʋura nokuciʋa kwayo; asi unoita kuɗa kwaMŋari, unogara nokusiŋgaperi. Ʋanana, iŋguʋa yokupedzisira; seɀamakanzwa kuti antikristu unoʋuya, naɀino ʋanaantikristu ʋazhinji ʋaʋa’po; ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti yaʋa ŋguʋa yokupedzisira. Ʋakabva kwatiri, asi ʋakaŋga ʋasati ʋari ʋeɗu, nokuti ɗai ʋaiʋa ʋeɗu, ʋaŋgaɗai ʋaigara nesu; asi ʋakabʋa kuti ʋaʋonekwe kuti ʋose haʋazi ʋeɗu. Imi munokuzodzwa kunobva kunaiye Mutȿene, munoziʋa mose. Handina‐kukunyorerai ndiciti hamuziʋi ɀokwaɗi, asi nokuti munoiziʋa, ʋuye nokuti hakunenhema dziŋgabva paɀokwaɗi. Ndianiko mureʋi wenhema, kana asati ari iye unoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, unoramba Ƃaɓa noMŋanakomana. Aninani unoramba Mŋanakomana, naiye haanaƂaɓa ʋo. Kana muri’mi, iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga, ŋgaɀigare mamuri. Kana iɀo ɀamakanzwa kubva pakutaŋga ɀicigara mamuri, nemi ʋo mucagara muMŋanakomana, nomunaƂaɓa. Ndicoci cipikirwa caakatipikira, ndibgo ʋupenyu bgusiŋgaperi. Ɀinhu iɀi ndakakunyorerai pamsoro paʋanokutsausai. Kana muri’mi, kuzodzwa kwamakagamucira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, seɀakunokudzidzisai pamsoro peɀinhu ɀose, kuri kwaɀokwaɗi, dzisati dziri nhema, seɀakwakakudzidzisai, garai maari. Ɀino, ʋana ʋaɗuku, garai maari, kuti, kana acizoʋoneswa, tiʋe nokusatya, tirege kunyadziswa ʋo pamberi pake pakuʋuya kwake. Kana muciziʋa kuti iye wakarurama, ziʋai ʋo kuti mumŋe nomumŋe unoita ɀakarurama wakaɓerekwa naye.
1 Johani 2:3-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)