1 Johani 2
2
1Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama; 2ndiye mudzikinuri wezvivi zvedu; haasi wezvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yosewo.
3Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirayiro yake. 4Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirayiro yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari; 5asi uyo, anochengeta shoko rake, rudo rwaMwari rwakwaniswa maari zvirokwazvo. Ndizvo zvinotizivisa kuti tiri maari; 6uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.
Murayiro worudo
7Vadikanwi, handikunyorerei murayiro mutsva, asi murayiro wekare, wamakanga munawo kubva pakutanga; murayiro wekare ndiro shoko ramakanzwa.
8Pamwezve ndinokunyorerai murayiro mutsva, chiri chinhu chechokwadi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuura, chiedza chechokwadi chotovhenekera. 9Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino.
10Anoda hama yake, anogara muchiedza, hapana chigumbuso maari. 11Asi anovenga hama yake, ari murima, anofamba murima haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake.
Musada nyika
12Ndinokunyorerai, vana vaduku, nokuti makaregererwa zvivi nokuda kwezita rake. 13Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai majaya, nokuti makakunda wakaipa. Ndakunyorerai, vana vaduku, nokuti munoziva Baba.
14Ndakunyorerai, madzibaba, nokuti munoziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndakunyorerai, majaya, nokuti mune simba, neshoko raMwari rinogara mamuri, makakunda wakaipa.
15Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. 16Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.
17Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi.
Antikristu nokuuya kwaIshe
18Vanana, inguva yokupedzisira; sezvamakanzwa kuti antikristu anouya, nazvino vanaantikristu vazhinji vavapo; ndizvo zvinotizivisa kuti yava nguva yokupedzisira. 19Vakabva kwatiri, asi vakanga vasati vari vedu, nokuti dai vaiva vedu, vangadai vaigara nesu; asi vakabva kuti vaonekwe kuti vose havasi vedu.
20Imi munokuzodzwa kunobva kuna iye Mutsvene, munoziva mose. 21Handina kukunyorerai ndichiti hamuzivi chokwadi, asi nokuti munochiziva, uye nokuti hakuna nhema dzingabva pachokwadi.
22Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye antikristu, anoramba Baba noMwanakomana. 23Ani naani anoramba Mwanakomana, naiye haana Babawo.
24Kana murimi, izvo zvamakanzwa kubva pakutanga, ngazvigare mamuri. Kana izvo zvamakanzwa kubva pakutanga zvichigara mamuri, nemiwo muchagara muMwanakomana, nomuna Baba.
25Ndichochi chipikirwa chaakatipikira, ndihwo upenyu husingaperi. 26Zvinhu izvi ndakakunyorerai pamusoro pavanokutsausai. 27Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kwaari kunogara mamuri, hamufaniri kuti mudzidziswe nomunhu; asi kuzodza kwake, sezvakunokudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose, kuri kwechokwadi, chisati chiri nhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
28Zvino, vana vaduku, garai maari, kuti, kana achizooneswa, tive nokusatya, tirege kunyadziswawo pamberi pake pakuuya kwake. 29Kana muchiziva kuti iye akarurama, zivaiwo kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 2: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002